Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yoputsa Misika Isiri Kupihwa Mvumo


 Mbare Musika Covid
Mbare Musika Covid

Hurumende inoti kusvika neMuvhuro manheru yange yaongorora vanhu vanhu zviuru zvitatu nemazana matatu nevasere kuti vane Coronavirus here kana kuti kwete, uye kusvika neMuvhuro pange pachine vanhu makumi maviri nevashanu vakabatwa nechirwere ichi, vatatu vakashaya.

Bazi rezvehutano rakazvisisa kuti paongorora dzevanhu mazana nemakumi mashanu nevanhu vanomamwe dzaitwa muHarare neBulawayo, vese vakawanikwa vasina chirwere ichi.

Bazi iri rakazivisawo kuti rakawana rumwe rubatsiro zvekare rwezvekushandisa kuongorora nekudzvirira Coronavirus kubva kusangano reJack Ma Foundation uye zvinhu izvi zvichaendeswa kumatunhu ese munyika.

Gurukota rezvekuritswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vazivisawo kuti hurumende yatanga kupinza vakoti nevamwe vashandi vezvehutano basa mumatahunhu ese munyika serimwe rematanho akawanda ari kutorwa nehurumende kusimbaradza basa rekudzivirira kupararira kweCoronavirus.

Izvi zvinoitika apo kanzuru yeHarare iri kuenderera mberi nekuputsa misika yese nezvivakwa zvakavakwa pasina mvumo senzira yekuchenesa guta kuitira kuti zvirwere zvakaita seCoronavirus nezvimwe, zvisapararire.

Asi vagari nevanotengesera panzvimbo idzi havasi kufara nedanho iri vachiti kanzuru iri kutora kuvharwa kwenyika senzira yekudzivirira kupararira kweCoronavirus ichiparadza misika yavo.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJaison Juru, vanoti havazive kuti vachararama sei kana Coronavirus ichinge yapera.

Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti hapana anofanira kuchema chema nekuti kanzuru yatotanga kugadzirisa nekuvandzudza nzvimbo dzekuti vanhu vatengesere pakachena uye zviri pamutemo.

Vaenderera mberi vachiti vari kuita zvavari kuita nekuti pari zvino hapana vanhu vari kushandira pamisika iri kuparadzwa iyi nekuda kwekuvharwa kwakaitwa nyika.

Vanoongorora nyaya dzehupfui vakazvimirira, VaMasimba Manyanya, vaudza Studio7 kuti zvinosuwisa kuti hurumende nemakanzuru vave kushandisa dambudziko reCoronavirus kurwisana nevanotambura munyika.

VaManyanya vati kuchema chema kuri kuita veruzhinji kunoreva kuti havana kuudzwa nezvedanho iri.

Vati danho iri richaita kuti vanhu vakawanda vaomerwe nehupenyu zvakanyanya zvikuru sei panopera dambudziko reCoronavirus.

Zviri kuitwa nekanzuru yeHarare zvinoenderana nechisungo chakaitwa nedare remakurukora, chekuti makanzuru mumaguta nekumaruwa, anofanirwa kutora mukana wekuvharwa kwenyika kugadziridza nzvimbo dzinoshandira vanotengesera mumisika, mumigwagwa pamwe nevemabhizimisi madiki.

Munyori mubazi rezvematunhu, VaZvinechimwe Churu, vakanyorera vanyori vemakaunzuru ese munyika musi wa8 Kubvumbi vachivazivisa nezvadanho iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG