Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yoongorora Vanhu Chirwere cheCovid-19 Zvisina Muripo


FILE - A health care worker holds a rapid COVID-19 antigen test at a coronavirus testing center in Nice, France, Oct. 15, 2020. Millions of such kits are heading to Africa for distribution.
FILE - A health care worker holds a rapid COVID-19 antigen test at a coronavirus testing center in Nice, France, Oct. 15, 2020. Millions of such kits are heading to Africa for distribution.

Kanzuru yeguta reHarare inoti ine hurongwa hwekuongorora vanhu kana vaine chirwere cheCovid-19 vasingabhadhare muripo.

Vakafanobata chinzvimbo chemukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Kudzai Masunda, vaudza Studio 7 kuti ongooro idzi dziri kuitwa zvakanyanya pachipatara chekanzuru cheCovid-19 cheWilkins nezvimwe.

Dr Masunda vati vari kushanda nemamwe marabhoritari nemamwe masangano mukuita ongororo idzi.

Vati chirongwa ichi chiri kutambirwa uye vanhu vakasununguka kuuya kuzoongororwa vachiti pari zvino vari kuongorora vanhu vanodarika mazana mashanu pazuva muguta rese.

Vatiwo kunze kwekuongorora hutachiwana hweCovid-19 vane zvikwata zviri kutenderera mudzimba vachidzidzisa vanhu pamusoro peCovid-19 nekudzivivirira kupararira kwacho uye zvakakosha kuti vagari vashande nezvikwata izvi.

Asi vagari vakawanda muguta vakaita saVaOwen Dhliwayo vati chirongwa chekanzuru chakanaka chose asi chinenge chisingazivikanwe zvakanyanya neveruzhinji.

Munyori anoona nezvehutano mubato guru rinopikisa reMDC Alliance uye vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vaudza Studio 7 kuti zvave kuitwa nekanzuru yeHarare zvakakosha mukurwisa Covid-19.

Vaenderera mberi vachiti zvakakosha kuti zvave kuitwa muHarare zviitwewo mumaguta nemadhorobha ese munyika.

Harare ine vanhu zviuru zvinomwe nemazana manomwe nemakumi matatu vabatwa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera kubatwa nechirwere ichi nezuro kwevanhu mazana matatu nemakumi masere nevashanu, kana kuti 385.

Guta iri rave nevanhu zana nemakumi masere nevapfumbamwe vafa nechirwere ichi zvichitevera kufa kwevanhu gumi nevaviri nezuro muguta iri.

Kupararira kwedenda reCovid-19 kwakwira zvakanyanya mukati memasvondo apfuura munyika.

Vanhu vapora muHarare kubva kuchirwere ichi vava zviuru zvitatu nemazana matanhatu nemakumi manomwe nevapfumbamwe, kana kuti 3, 679, zvichitevera kupora nezuro kwevanhu mazana mashanu nemakumi maviri nevashanu.

Nezuro chaiye denda iri rakabata vanhu mazana masere nemakumi maviri, uye rikauraya vanhu makumi maviri nemumwe munyika yose.

Denda iri rabata vanhu zviuru makumi maviri nezviviri nemazana maviri nemakumi mapfumbabwe nevanomwe, kana kuti 22, 297kubvira parakatanga munyika, uye rauraya vanhu mazana mashanu nemakumi maviri nevasere, kana kuti 528.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG