Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yopinda Munzvimbo Dzinozara Vanhu Ichibaya Veruzhinji Nhomba yeCovid-19


Virus Outbreak Zimbabwe Vaccines Mandate

Kanzuro yeHarare yavandudza chirongwa chayo chekubaya vanhu nhomba yekudzivirira denda reCovind -19 kuburikidza nekupinda munzvimbo dzakaita semizinda yezvitoro, misika nemachechi.

Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi vaudza Studio 7 nhasi kuti vakatora danho iri mushure mekuona kuti vanhu vakawanda vange vasiri kubayiwa nhomba yeCovid-19 nekuti vainge vasingafarire kumira mumitsetse yakareba kumakirinika nezvipatara zvekanzuru.

Doctor Chonzi vati chirongwa chavo chekupinda munzvimbo dzinenge dziine veruzhinji chiri kufarirwa zvakanyanya nevagari vemuHarare.

Mumwe mugari vemuHarare, VaJonson Chirwa, vati vatambira chirongwa ichi nemufaro sezvo vaitadza kunobaiwa nhomba nekuda kwemitsetse inogara yakareba kumakirinika.

VaChonzi vakurudzira vagari kuti vabude nehuhwandu hwavo kunobayiwa vachiti izvi ndizvo chete zvinokwanisa kudzivirira vanhu kubva kudenda iri.

Dr Chonzi vatiwo vanhu vanofanirwa kungwarira panguva ino yezororo vachiti ndiyo nguva inowanzobatwa vanhu vakawanda neCovid-19.

Vati kanzuru yavo inotarisira kuzadzisa chiga chehurumende chekubaya vanhu makumi matanhatu kubva muzana zvevagari vemuguta pakupera kwegore rino vachiti vakatadza kuita izvi vachazviita muna Ndira gore rinouya.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vapfumbamwe vakashaya nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nemakumi matatu nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vafa nechirwere ichi vava zviuru zvina nemazana masere nemakumi maviri nevasere, uye vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga, vava zviuru zana nemakumi mapfumbamwe nezvipfumbamwe nemazana mana nevana, 199 404.

Vanhu vabaiwa nhomba yekutanga va mamiriyoni mana nezveviuru makumi manomwe nezvisere nemazana matanhatu nemakumi matanhatu nevapfumbamwe, 4 078 669.

Vanhu vabayiwa nhomba yechipiri vava mamiriyoni matatu nezviuru makumi masere nezvisere nemazana matanhatu nemakumi manomwe nevaviri 3 088 672.

Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvabuda muongororo dzaitwa nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG