Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inoputsa Dzimba kuBudiriro 5


Budiriro Demolitions
Budiriro Demolitions

Mhuri dzinodarika mazana maviri hadzina pekugara mushure mekunge kanzuru yeHarare yaputsa dzimba dzavo mumusha weBudiriro 5 ichiti dzakavakwa zviri kunze kwemutemo.

Asi mhuri idzi dziri kupikisa izvi.

Vashandi vekanzuru vange vaine mapurisa vasvika panzvimbo iyi inove yenhengo dzemushandirapamwe unonzi Hana ndokutanga kuputsa dzimba dzavo nekuparadza zvinhu vachiti vange vaine magwaro ekuita zvi.

Asi vagari venzvimbo iyi vaudza Studio 7 kuti vane magwaro ekuti vagare panzvimbo iyi.

Mumwe mukuru wemushandira pamwe weHana, VaTichawanda Chawa, vaudza Studio 7 kuti pange paine mutauro mumushandirapamwe wavo izvo zvakakonzeera kuti vamwe vavo vaende kumatare edzimhosva uye vati handi munhu wese ange achifanira kupwanyirwa imba yake.

Vatiwo vashandi vekanzuru ava havana kuvaratidza magwaro ekuti vange vaine mvumo yekuita zvavaita.

Mumwe aputsirwa musha wake uyo asina kuda kudomwa nezita rake audza Studio 7 kuti hapana kwaari kuneda uye patasvikapo ange ave kutovaka imba yake zvekare.

Ambuya Irene Kambasha vaudza Studio 7 kuti hapana kwavari kuenda kunyange vaputsuirwa imba yavo.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio 7 kuti dzimba dzese dzaputswa nhasi dzakavakwa zviri kunze kwemutemo uye vanhu ivavo vanofanira kubva panzvimbo iyi.

Vati kanzuru yakatopihwa mvumo nematare edzvimhosva kuti ibvise vanhu ava uye ndiwo magwaro avashandisa kubvisa vanhu ava.

Vatiwo zvakakosha kuti vanhu vasavake pese pese vasina kupihwa mvumo nekanzuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG