Accessibility links

Breaking News

Harare Agriculture Show Yegore Rino Yovhurwa


Harare Agriculture Show

Kuratidzirwa kwezvirimwa, mabhizimisi nemamwe mabasa paHarare Agricultural Show kwakatanga nemusi weMuvhuro muHarare vanoronga showa vachikurudzira veruzhinji kupinda muchiitiko ichi kuti vawane mikana yekutanga mabhizimisi pamwe nekusimudzira mabasa ekurima.

Sachigaro veZimbabwe Agricultural Society, varongi veHarare Agricultural Show, VaIvan Craig, vakaudza Studio 7 kuti huwandu hwevari kuratidza zvirimwa, mabhizimisi nemabasa hwakakwira nezvikamu gumi nezviviri kubva muzana gore rino uye vanotarisira kuti show yegore rino ichanikidza kudarika gore rapfuura.

Vakakurudzira veruzhinji kuti vaende kuHarare Agricultural Show uko vati kunodzidzwa zvakawanda pane nekutandara.

VaCraig vakaudza Studio 7 kuti vanofara chose kuti varimi vakaunza zvipfuwo nembeu dzemhando yepamusoro gore rino.

Vakatiwo kunze kwekudzidza zvekurima nemabhizimisi, kuchange kuine mafaro nevaimbi vakawanda pamwe nekutandadzwa nevamauto, mapurisa nezvikwata zvakasiyana siyana.

Mukutandara imomo veBuy Zimbabwe avo vanokurudzira kugadzirwa nekutengeswa kwezvinhu munyika vanoti vachange vachishambadzawo zvinhu zvinogadzirwa muno.

Mukuru weBuy Zimbabwe Zimbabwe, VaMunyaradzi Hwengwere, vaudza Studio 7 kuti gore rino vachange vachisanganisa mafaro nekupemberera hunyanzvi hwevana vemuZimbabwe.

Imwe kambani iri kuratidzira gore rino IFlying Leopard Limited Limited iyo inogadzira midziyo inorerutsira vanhu kutakura zvinhu yakaita semabhara anodhonzwa nemabhasikoro.

VaDuncan Nyathi vanoti midziyo yavanogadzira inokwanisawo kushandiswa nevanhu vanoita mabhizimisi echidiki vakaita sevanotengesa mumigwagwa.

Show yegore rino iyo iri kuitwa pasi pedingindira rekuti Field to Industry: Produce. Connect Develop ichavhurwa zviri pamutemo nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nemusi weChishanu.

Varimi nevamabhizimisi vanotarisirwa kubuda nemibairo inosvika zana rezviuru zvemadhora gore rino.

Gore rapfuura vanhu zviuru mazana maviri vakapinda muHarare Agricultural Show uye gore rino panotarisirwa kuti pachapinda vanhu zviuru mazana maviri nemakumi mashanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG