Accessibility links

Breaking News

Hama dzaMuzvare Mamombe neVamwe Vavo veMDC Dzorambidzwa Kuvapa Chikafu Vari kuChikurubi


Muzvare Joana Mamombe, Netsai Marova naCecilia Chimbiri
Muzvare Joana Mamombe, Netsai Marova naCecilia Chimbiri

Dare ramajisiteriti muHarare ranyima mukana wekubvisa mari yechibatiso madzimai matatu eMDC anoti Joana Mamombe, Cecelia Chimbiri naNetsai Marova, awo ari kupomerwa mhosva yekutaura manyepo kumapurisa kuti vainge vasungwa nemapurisa pamwe nekupambwa mwedzi wapfuura.

Mutongi wedare, Amai Bianca Makwande, varamba chikumbiro chevatatu ava chekuti vatongwe vachibva kumba vachiti vanotenderana nezvakataurwa nemuchuchusi pamwe nemutikitivha ari kuferefeta nyaya iyi kuti pane humbowo hunoratidza kuti vatatu ava vakapara mhosva yavari kupomerwa uye vanogona kutongerwa kugara mutirongo kwenguva yakareba.

Vatiwo mashoko akataurwa nevatatu ava akasvibisa chimiro chenyika uyewo kana vapihwa mukanga wekbhadhara chibatiso vanogona kutiza munyika nyaya yavo yozotadza kutongwa.

VaJeremiah Bamu ndirimwe remagwata evatatu aya uye vanotsanangura vati havana kufara nemutongo uyu uye vachaenda kudare repamusoro kuti riongorore mutongo waturwa nhasi.

Magweta evatatu ava achemawo kudare kuti hama nemagweta avo ange ari kurambidzwa kuti vavape chikafu vari mujeri kubvira nemusi weChishanu uye mutongi, Amai Makwande vati Zimbabwe Prisons and Correctional Services inofanira kubvimidzwa hama nemagweta avo kuti vavape chikafu.

Vatiwo vatatu ava vanofanirawo kurapwa apo vanenge vari mutirongo. Vatatu ava vachadzoka zvakare kudare musi wa26 mwedzi uno.

Mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, vanoti vanoshushikana sebato kuti vatatu ava varikuramba vachishungurudzwa kunyange hazvo vari ivo vakapambwa.

Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaKazembe Kazembe vakaudza vatori venhau muHarare kuti vane humbowo hwekuti vatatu ava havana kupambwa.

Mashoko aya ari kutsinhirwa nemunyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana avo vakanyora padandemutande reTwitter kuti vane mavhidhiyo avanoti anotsigira divi rehurumende.

Kana vakawanikwa vaine mhosva, vatatu ava vanogona kupihwa mutongo usingapfuure makore makumi maviri.

Muine imwewo nyaya vatori venhau Frank Chikowore anoshanda akazvimirira pamwe naSamuel Takawira wekambani ye263 Chat avo vari kupomerwa mhosva yekuramba kuterera mapurisa pavakaenda kunotaura nevatatu ava kuchipatara chavainge vachirapwa vadzoka kudare ramajisiteriti kuMbare vakanzi vadzoke musi 25 mwedzi uno apo vachaziviswa kuti nyaya yavo ichatongwa rini.

Mukupeta nyaya dzange dziri kumatare, VaDelish Nguwaya avo vari kupomerwa mhosva yekuti zvehuori pakutenga zvikwanisiro zvekudzivirira kupararira kwecoronavirus vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare zvekare neChipiri kuti paonekwe kuti vopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kana kuti kwete.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG