Accessibility links

Breaking News

Guta reFrancistown Rorasikirwa neMari neKuvharwa kweBhodha neZimbabwe


 Francistown, Botswana
Francistown, Botswana

Rimwe sangano rinomirira vemabhizimisi muBotswana reBusiness Botswana rinoti mabhizinesi ari mudhorobha reFrancistown akatarisana nenguva yakaoma zvikuru kana hurumende yenyika iyi ikaramba yakavhara miganhu neZimbabwe neZambia.

Vachitaura pamusangano wekutsvaga nzira dzekuwandudza hupfumi hwedhorobha reFrancistown nhasi, mutevedzeri wemutungamiriri wesangano reBusiness Botswana, VaHumphrey Nawa vati kusavhurwa kwemabhodha kuchakonzera matambudziko makukutu kune vemabhizimisi vakawanda.

VaNawa vati dhorobha reFrancistown riri kurasikirwa nemari inodarika mamiriyoni makumi mashanu emapula pamwedzi wega wega kubva zvavharwa bhodha neZimbabwe.

Pasi pemutemo weState of Emergency, Botswana yakavhara mabhodha ayo neZimbabwe muna Kurume gore rino kwemwedzi mitanhatu senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana hweCoronavirus uhwo hunokonzera chirwere cheCOVID-19.

Mwedzi wapera, Botswana yakawedzera kuvharwa kwemabhodha nemwedzi mitanhatu zvakare.

VaNawa vaenderera mberi vachiti kuvharwa kwemabhodha kuchaita kuti vagari venyika iyi vanga vachishanda mumahotera varasikirwe nemabasa sezvo kusina vanhu vari kuuuya munyika.

Mumwe mugari wenyika iyi anorarama nekutengesa mumugwagwa Amai Elizabeth Ndlovu vaudza Studio7 kuti hurongwa hwekuvharwa kwemabhodha huri kuita kuti hupenyu huvaomere sezvo vachiwana cheuviri kuburikidza nezvizvarwa zveZimbabwe.

VaTimothy Mupandaseka, avo vanorarama nechamuka inyama mudhorobha reFrancistown, vanoti vavev kupona nehwakumukwaku sezvo basa ravo rekutakura vanhu vachivaisa kubhodha nemota yavo risisiko.

Senzira yekugadzirisa zvinhu, meya wedhorobha reFrancistown, VaGodisang Radisigo vaudza Studio7 kuti vari mubishi rekutaura nehurumende kuti ivhure mabhoda enyika iyi neZimbabwe.

Gwaro rakaburitswa nesangano reStatistics Botswana munaChikunguru gore rino rakaratidza kuti kune zvizvarwa zveZimbabwe zviuru makumi mapfumbamwe nemakumi mana zvakapinda munyika iyi muna2019.

Kusamira zvakanaka kwehupfumi muZimbabwe kunopa kuti vanhu vakawanda vaende kunotenga zvinhu zvakaita sehembe, mishonga nezvimwe kuFrancistown vozotengesa kuZimbabwe.

Nyaya Ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG