Accessibility links

Breaking News

Amai Matibenga Vanoti Vari Kushushikana neKutambura kweVashandi


Gurukota revashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, vanoti vari kushushikana zvikuru nematambudziko akatarisana nevashandi vehurumende ekutambira mari dzavasingagutsikani nadzo.

Vanotiwo vari kuedza napose pavanogona napo kubatsira vashandi ava kugadziririsa zvichemo zvavo.

Amai Mativenga vanoti vakaita zvese zvavakakumbirwa kuti vaite nevamiriri vevashandi zvekuti hurumende ibude negwaro rayakaunza kumusangano weNational Joint Negotiating Council uyo neChitatu.

Vanoti kunyange hazvo vari kuziva uye vari kushushikana nezvichemo zvevashandi vehurumende, pane zvimwe zvavasisakwanise kuita sezvo vave gurukota rehurumende. Vanotiwo chinobatsira kuvashandi vehurumende haisi misangano navo asi kuti misangano yavanoita neNational Joint Negotiation Council.

Amai Matibenga vanotiwo mafungiro ane vamwe vanhu ekuti ivo ndivo vari kuramba nemari hazvisizvo uye bazi ravo harisi iro rinotambirisa vashandi vehurumende.

Vanoti mari inotambiriswa vashandi vehurumende inotanga yabvumiranwa nedare remakurukota pamwe neparamende vachiti havana masimba ekushandura izvi.

Vanoti komiti yemakurukota, iyo vari nhengo, yakakumbira hurumende kuti ione zvaingaite kutsvaga mari dzekuwedzera vashandi.

Vati chimwe chikumbiro ndechekuona kuti mari iri kuwanikwa pakutengeswa kwemangoda ekwaMarange yaunzwa kubazi rezvemari kuitira kuti igobatsira panyaya dzakaita semihoro yevashandi.

Vashandi vehurumende vadzokera zvakare pakuramwa mabasa, mushure mekunge vambomisa danho iri kwezuva rimwe chete kuitira kupa mukana munhaurirano dzemihoro dzaivepo pakati pevamiriri vevashandi nevamiriri vevashandirwi.

Kunyange hazvo hurumende yaisa patafura mari inoita $240 million yainoti yakakwanisa kuwanira vashandi vayo, vashandi ava vari kuramba kutambira mari iyi vachipa zvikonzero zvakasiyana siyana, zvinosanganisira zvekuti hurumende haina kutsanangura kuti mushandi ari kuzowana marii, zvichienderana nebasa raanoita.

Vashandi vari kuda kuti mushandi wepasi atangire pa$538.00 pamwedzi. Hurumende ine vashandi vanodarika mazana maviri nemakumi matatu ezviuru, mukati mavo muchinzi mune vashandi vasingazivikanwi, kana kuti “ghost workers”.

Havasi vashandi vehurumende chete vari kuchemera kuwedzerwa mari, sezvo vashandi vemakambani akazvimirira vari kuimbawo rwiyo rwumwe cheterwo.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti hurumende inofanirwa kutanga yaratidza chido chekubata vashandi vayo zvakanaka, kuitirawo kuti makambani akazvimirira atevedzere.

Munyori mukuru werimwe remasangano evarairidzi, rePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti havana kuramba kutambira mari yakaiswa patafura nehurumende kwete, asi kuti vakaramba nzira iri kuda kushandiswa nehurumende yekuti vashandi vabatsire pakupatsanurwa kwemari iyi, sezvo isina kuzivisa kuti munhu achange achiwana marii pamwedzi.

Gurukota revashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, vati vari kushushikana zvikuru nematambudziko akatarisana nevashandi vehurumende ekutambira mari dzavasingagutsikani nadzo.
Vatiwo vari kuedza napose pavanogona napo kubatsira vashandi ava kugadziririsa zvichemo zvavo.
Amai Mativenga vati vakaita zvese zvavakakumbirwa kuti vaite nevamiriri vevashandi zvakaita sekuti hurumende ibude negwaro rayakaunza kumusangano weNational Joint Negotiating Council uyo neChitatu.
Vati kunyange hazvo vari kuziva uye vari kushushikana nezvichemo zvevashandi vehurumende pane zvimwe zvavasisakwanise kuita sezvo vave gurukota rehurumende.
Vatiwo chinobatsira kuvashandi vehurumende haisi misangano navo asi kuti misangano yavanoita neNational Joint Negotiation Council.
Vatiwo mafungiro ane vamwe vanhu ekuti ivo ndivo vari kuramba nemari hazvisizvo uye bazi ravo harisi iro rinotambirisa vashandi vehurumende.
Vati mari inotambiriswa vashandi vehurumende yakapasiswa nedare remakurukota pamwe neparamende uye ivo havana simba rekusandura izvi.
Vati nekuona kuti mari inotambirwa nevashandi vehurumende ishoma, komiti yemakurukota, iyo vari nhengo, yakakumbira hurumende kuti ione zvaingaite kutsvaga mari dzekuwedzera vashandi.
Vati chimwe chikumbiro ndechekuona kuti mari iri kuwanikwa pakutengeswa kwemangoda ekwaMarange yaunzwa kubazi rezvemari kuitira kuti igobatsira panyaya dzakaita semihoro yevashandi.
Amai Matibenga vatendawo vashandi vari kuenda kumabasa apo vamwe vari kuramwa mabasa vachiti hapana chinokunda nhaurirano.
Vashandi vehurumende vari kuramwa mabasa vachida kuti mari dzavanotambira dziwedzerwe.
Tichiri panyaya iyi, vashandi vehurumende vadzokera zvakare pakuramwa mabasa, mushure mekunge vambomisa danho iri kwezuva rimwe chete kuitira kupa mukana munhaurirano dzemihoro dzaivepo pakati pevamiriri vevashandi nevamiriri vevashandirwi.
Kunyange hazvo hurumende yaisa patafura mari inoita $240 million yainoti yakakwanisa kuwanira vashandi vayo, vashandi ava vari kuramba kutambira mari iyi vachipa zvikonzero zvakasiyana siyana, zvinosanganisira zvekuti hurumende haina kutsanangura kuti mushandi ari kuzowana marii, zvichienderana nebasa raanoita.
Vashandi vari kuda kuti mushandi wepasi atangire pa$538.00 pamwedzi. Hurumende ine vashandi vanodarika mazana maviri nemakumi matatu ezviuru, mukati mavo muchinzi mune vashandi vasingazivikanwi, kana kuti “ghost workers” vakawanda vanofanirwa kutanga vadzurwa pasati papatsanurwa mari inenge yawanikwa nehurumende yekupa vashandi vayo.
Havasi vashandi vehurumende chete vari kuchemera kuwedzerwa mari, sezvo vashandi vemakambani akazvimirira vari kuimbawo rwiyo rwumwe cheterwo.
Nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vati hurumende inofanirwa kutanga yaratidza chido chekubata vashandi vayo zvakanaka, kuitirawo kuti makambani akazvimirira atevedzere.
Munyori mukuru werimwe remasangano evarairidzi, rePTUZ, VaRaymond Majongwevaudza Studio 7 kuti Havana kuramba kutambira mari yakaiswa patafura nehurumende kwete, asi kuti vakaramba nzira iri kuda kushandiswa nehurumende yekuti vashandi vabatsire pakupatsanurwa kwemari iyi, sezvo isina kuzivisa kuti munhu achange achiwana marii pamwedzi.
XS
SM
MD
LG