Accessibility links

Breaking News

Gurokota reDunhu reMasvingo Rinoti Kuendesa kweMasimba kuMatunhu Kuchabatsira Dunhu Ravo


Zanu PF Masvingo
Zanu PF Masvingo

Gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira, vakavimbisa kupedza hurombo muvanhu vachiti vachashanda zvakasimba kuburikidza nechirongwa chehurumende chekuendesa mamwe masimba kumatunhu vachiti izvi zvichaita kuti hupfumi hwedunhu hubetsere vagari.

VaChadzamira vakataura mashoko aya pamhemberero dzavakaita kuMasvingo nemusi weMuvhuro vachitenda mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekuvasarudza kwavakaita.

Vachitaura pagungani iri, VaChadzamira vakati hurumbo huchapera muvanhu veMasvingo nekuti dunhu ravo rine hupfumi hwakawandisa uho hwaitorwa nehurumende yakare huchiitwa zvebambazonke kuendeswa kuHarare.

Vakatiwo hurongwa huri mubumbiro remutemo hwavanoti huchazadzikiswa nemutungamiri wenyika VaMnangagwa hwekuendesa mamwe masimba kumatunhu kana kuti devolution huchabatsira zvakanyanya muzvirongwa zvavo.

Gurukota rezve mutemo VaZiyambi Ziyambi, vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti hurumende ine hurongwa hwekuvandudza bumbiro remutemo kuti zvive nyore kuendesa mamwe masimba kumatunhu.

Vachitaurawo pamusangano mumwe chete wekuMasvingo uyu, mutevedzeri wegurukota rinoona nezve vashandi vehurumende, VaLovemore Matuke, vakati budiriro mudunhu reMasvingo, ichaita kuti vanhu vagare zvakanaka nenyaya yekuendesa hupfumi kuvatema.

Vamwe vanhu munyika vari kufara zvikuru nehurongwa hwekuendesa masimba kumatunhu uhu. VaTapiwa Gondo vanova gweta kuMasvingo vanoti hurumende iri kuita zvakanaka kuzadzikisa bumbiro remutemo.

Pari zvino, hurumende iri mubishi rekugadzira mutemo wekuti masimba aendeswe kumatunhu kuburikidza nebhiri rinonzi Provincial and Metropolitan Councils Bill richaendeswa kudare reparamende munguva pfupi inotevera.

Vamwe vanotarisirwa kuti vange vari mumakanzuru ematunhu aya vanosanganisa nhengo dzedare reparamende, maseneta, madzishe uye mameya nevamwe vakasarudzwa zvichienderana nekuti bato ravo rakaona mavhoti manganic mudunhu iri musarudzo dzapfuura.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG