Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kuunza Mari Itsva


Finance Minister Mthuli Ncube At UNGA
Finance Minister Mthuli Ncube At UNGA

Bazi rezvemari rinoti richawedzera mari pamwe chete nekuunza mari ine huremu hwakakura munyika senzira yekugadzirisa dambudziko remari munyika.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi, munyori mubazi iri, VaGeorge Guvamatanga, vati zvanga zvisingagoni kuti vatange nekuunza mari ine huremu hwakakura izvo zvakaita kuti vatange nemari yemadhora maviri neyemadhora mashona.

VaGuvamatanga vatiwo bazi ravo rinoziva kuti mari iri munyika ishoma, uye hurumende ichagadzirisa dambudziko iri.

Vachibvunzwa kuti vachatora matanho api kupedza dambudziko rekutengeswa kwemari pamukoto, mutevedzeri wegurukota rezvemari, VaClemence Chiduwa, vati vanhu vanotenga zvinhu kunze kwenyika vachabvunzwa kuti mari iyi vakaiwana sei.

Imwe nyanzvi munyaya yezvehupfumi vachishanda nesangano reLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaNyasha Muchichwa, vati hurumende inogona kukunda nyaya yekutengeswa kwemari pamukota kana chete ikaisa mari inokwana munyika kusanganisira mari yekunze.

VaMuchichwa vatiwo nyaya yekusunga vanotengesa mari mumugwagwa haigadzirisi dambudziko iri sezvo vanozviita vachingoregera kwemazuva mashoma asi vachizosimidzira mabasa aya zvakare.

Bazi rezvemari rabvumawo kuti mari yakaiswa kubazi rezveutano haikwani zvichienzaniswa nematambudziko aripo panyaya yehutano asiwo vakati vacharamba vachigadzirisa.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vaudzawo vatori venhau pamusangano uyu kuti vari kufadzwa nematanho avakatora panyaya dzekuvandudza hupfumi hwenyika uye zvinhu zviri kufamba negwara.

Asi vaimbove gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, uye vari mumwe wevatevedzeri vatatu veMDC, VaTendai Biti, vanoti dambudziko remari riri kunetsa munyika sezvo bhanga guru renyika, re Reserve Bank of Zimbabwe, riri kuita mamwe mabasa arinofanirwa kunge risingaite, izvo zviri kupa kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda.

VaBiti, avo vanove zvakare sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemari, vanoti bazi rezvemari,pamwe nebhanga guru renyika, zvinofanirwa kushanda zvichitevedza mitemo, uye nenzira dzinoita kuti mari dzenyika dzisanganyangarika sezvakaita mari dzakakwereteswa vamwe vakuru vakuru munyika nebhanga guru renyika.

Asi bazi rezvemari iri rinoti veruzhinji vanofanira kuziva kuti panga pave nemakore akawanda zvakanyanya mari yenyika isingashandiswi mukuvaka nyika, nekudaro kugadzirisa zvinonetsa kuchatora nguva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG