Accessibility links

Breaking News

Gweta reHurumende Rinoti Vatori veNhau Havasi Vashandi Vakakosha


ZRP Police Commissioner Godwin Matanga

Gweta rehurumende riri kumirira mukuru wemapurisa, Commissioner General Godwin Matanga, rinoti vatapi nevenhau havasi vanhu vanoita basa rakakosha zvakanyanya pakuvharwa kwenyika kwakanangana nekudzivirira kuparira kweCoronavirus.

Izvi zvabuda mudare apo hurumende iri kupikisa chikumbiro chakasvitswa mudare iri chekuti mapurisa asavhiringa vatori venhau vanenge vari pabasa munguva yeNational Lockdown.

Chikumbiro ichi chakaiswa mudare iri nemutori wenhau anoshanda akazvimirira, Panashe Makufa, achitsigirwa nesangano reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe paine chinangwa chekuti dare ripe mutongo unorambidza mapurisa kuvhiringa vatori venhau pavanenge vachiita basa ravo.

Izvi zvinotevera kuvhiringwa kwaMakufa nevamwe vatori venhau vakawanda kubva pakatanga Lockdown musi wa30 Kurume.

Kunyange hazvo Zimbabwe Media Commission pamwe nebazi rezvemutemo vange vabvuma chikumbiro ichi, gweta raVaMatanga raramba izvi rikaudza dare kuti vatori venhau havana basa rakakosha ravanoita.

Asi gweta reMISA-Zimbabwe naMakufa, VaChris Mhike, vati gweta raVaMatanga rinofanira kupa dare zvikonzeero zvekuti sei riri kupikisa nyaya iyi.

Mutongi wedare, Justice Jacob Manzunzu, vati gweta raVaMatanga rinofanira kupa VaMhike nedare zvikonzero zvekuti sei riri kupikisa nyaya iyi uye nyaya iyi ichanzikwwa nemusi weChishanu masikati.

Danho ratorwa negweta raVaMatanga rinopikisana nechisungo chebazi rezvekuburitswa kwemashoko iro rakazivisa kuti vatori venhau vanotorwa sevashandi vanoita basa rakakosha pakurwisa chirwere cheCorovanirus.

Mukuru weMISA Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio7 kuti vari kushushikana zvikuru kuti vatapi venhau vakawanda vari kushungurudzwa panguva ino yeLockdown.

Mune imwewo nyaya, nhengo dzeparamende dzeMDC dzinoti hadzinei nehurongwa hwekuunganidza mari yekubatsira kurwisana neCoronaviurs hwakaparurwa neparamende nezuro dzichiti dzakaparura chirongwa chadzo chekuunganidza mari yekubatsira paCoronavirus.

Vanokokera nhengo dzeZanu PF, VaPupurai Togarepi, vakaparura neChitatu chirongwa chekuunganidza mari inodarika mazana matatu ezviuru zvemadhora kubva kunhengo dzeparamende.

Asi nhengo dzeMDC Alliance hadzina kupinda pachiitiko ichi uye vanokokera nhenge dzebato iri muparamende, VaProsper Mutseyami, vaudza Studio7 kuti vane chirongwa chavo chakasiyana nechakaparurwa neChitatu.

Mumiriri weGlen Norah, VaWellington Chikombo, vati kuti nyika ibudirire pakurwisa Coronavirus, hurumende inofanira kushanda nenhengo dzese dzeparamende pamwe nemasangano akasiyana siyana zvisineyi nekuti munhu abuda mumba maamai vani.

Hurumende yakazivisa nemusi weChitatu kuti yakaisa parutivi mari minodarika mamiriyoni mazana mashanu emadhora emuno ichashandiswa kurwisa chirwere cheCoronavirus.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG