Accessibility links

Breaking News

Global Fund Inogona Kutadza Kubatsira Zimbabwe neNyaya yeChikwereti


VaMthuli Ncube

Mutauriri weparamende, Advocate Jacob Mudenda, vanoti hurumende inofanira kubhadhara mari yaiiri kufanirwa kubhadhara kuGlobal Fund kuti nyika iwane rubatsiro rwemamamiriyoni mazana mana emadhora kubva kusangano iri ezvirongwa zvehutano zvakanangana neHIV, rurindi nemalaria.

Global Fund inoti Zimbabwe yaifanira kubhadhara mari inodarika miriyoni imwe chete.

VaMudenda vaudza vange vachitungamirira basa rehurumende muNational Assembly nhasi, VaJorum Gumbo, kuti vaone kuti gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vabhadhara mari iyi nechimbichimbi sekuvimbiswa kwavakaita mwedzi mitatu yapfuura.

VaMudenda vanoti vashamisika zvikuru kuti hurumende haisati yabhadhara mari iyi sezvo VaNcube vakavimbisa dare nekunyora tsamba kuti vachabhadhara mari iyi.

VaMudenda vataura mashoko aya mushure mekunge sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvehutano, Doctor Ruth Labode, vazivisa kuti vange vabva kune mumwe musangano neUNCICEF uko vanzwa kuti Zimbabwe yange isati yabhadhara mari dzayo kuGlobal Fund.

Vatiwo pamusangano uyu wavaita neUNICEF vaudzwa kuti Zimbabwe inoda mamiriyoni manomwe emadhora ekuAmerica ekutenga mapiritsi anoderedza hukasha hweHIV nechimbi chimbi sezvo nyika yasara nemapiritsi aya mashonana uye mamwe acho akotopera.

Vatiwo Global Fund yakazvipira kuwedzera rubatsiro rwemari yainopa kuZimbabwe kusvika pamamiriyoni mazana matanhatu emadhora uye nyika yakatarisana nedamudziko guru kana hurumende ikatadza kubhadhara mari inodiwa kuti nyika irambe ichiwana rubatsiro kubva kuGlobal Fund.

Dr Labode vashorawo zviri kuitwa nehurumende zvekubata mutero we zvikamu zviviri kubva muzana pamari dzeGlobal Fund uye vati izvi zviri kunze kwechisungo chenyika dzese dzinobatsirwa neGlobal Fund chekuti mari yi haifanirwi kubhadhariswa chero mutero upi zvavo.

Vati nekuda kwaizvozvo vanotarisira kuti hurumende ichatara mutemo wekuti izvi zvisaitika vachiti hurumende yakatsidza kuita izvi apo yakasangana nehumwe hutungamiri hweGlobal Fund.

Zvichakdai vaimbove gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera vaudza Studio 7 kuti hurumende inofanira kubhadhara mari inodiwa neGlobal Fund vachiti mari iyi ishomasa kana pakatariswa rubatsiro ruchabva kuGlobal Fund.

Vatiwo vanhu vakawanda vari kutambura munyika zvekuti havakwanisi kutenga maARVs uye vatiwo kunyange vaye vange vaine maMedical Aid vave kutarisa kuwana mapiritsi aya kuzvipatara zvehurumende sezvo vemainsurance akawanda vave kutadza kubatsira varwere nekusamira zvakanaka kwehupfumi.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaNcube negurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo sezvo vange vachinzi vakabatikana nebasa rehurumende.

Global Fund inoda kuti nyika dzidharewo chikamu chemari yekurwisa HIV, Tuberculosis neMalaria ichiti izvi ndizvo zvinota kuti zvirongwa izvi zvibudirira.

Pari zvino Global Fund ndiyo inotenga mishonaga yezvikamu makumi manomwe kubva muzana zvevanhu vanosvika miriyoni imwe chete nemazana matatu vanorarama neHIV munyika.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG