Accessibility links

Breaking News

Gender Commission Yoronga Kubatsira Madzimai Anoda Kukwikwidza Musarudzo Dzinotevera


Komisheni inoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume, yeZimbabwe Gender Commission (ZGC), inoti ine chirongwa chekudzidzisa pamwe nekusimudzira madzimai anoda kupinda muzvigaro zvematongerwo enyika.

Zimbabwe Gender Commission, iyo iri kutsigirwa neUN Women: The United Nations Entity for Gender Equality and the Empowerment of Women, ine chirongwa chakanangana nekuwedzera huwandu hwemadzimai anopinda muzvigaro zvematongerwo enyika kutanga musarudzo dza2023, pasi pechirongwa chinonzi Women Rise In Politics.

Madzimai ese anoda kupinda musarudzo ari kukurudzirwa kuti anonyeresa kumahofisi ekomisheni yavo kana ebazi rinoona nezvemadzimai mumatunhu ese munyika kuitira kuti vakwanise kupinda muzvidzidzo zvehutungamiri nezvimwe zvinodiwa kuti vapihwe zvese zvinoita kana kusimbisa mudzimai anoda kupinda musarudzo.

Sachigaro weZimbabwe Gender Commission, Amai Margret Sangarwe-Mukahanana, vanoti chirongwa ichi chinoitwa pachena zvisinei kuti munhu ndewebato ripi uye chinokwaniswa kupindwawo nevanhu vakazvimirira.

Amai Mukahanana vanoti vachaita izvi vachishandisa nyanzvi, madzimai nevanhurume, vakabudirira munyaya dzezvematongero enyika.

Vanoti vane chinangwa chekutanga nemadzimai zviuru zvishanu munyika yese uye vachazowedzera huwandu hwevanhu ava zvichiendarana nechido chinenge charatidzwa nemadzimai.

Mukuru wesangano rinokurudzira madzimai kuti apinde muzvigaro, reWomen’s Academy for Leadership and Political Excellence, Muzvare Stabile Dewa, vauzda Studio 7 kuti vanotambira chirongwa ichi vachiti zvirongwa zvakaita seizvi zvinoita kuti mudzimai ese anoda kupinda musarudzo awane mukana.

Nyaya dzemhirizhonga mumapato ezvematongerwo enyika apo madzimai anorwisana sezvakaitwa vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, nemudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, ndezvimwe zvezvinonzi zvinoita kuti madzimai atye kupinda munyaya dzematongerwo enyika.

Muzvare Dewa vanoti ichokwadi kuti nyaya idzi dzinofanira kugadziriswa kuitira kuti madzimai asatye kupinda munyaya dzematongerwo enyika.

Chirongwa ichi chinokurudzira madzimai echidiki, madzimai ekumaruwa, pamwe nemadzimai anorarama nehurema kuti apindewo muchirongwa ichi.

Chirongwa ichi chinouya apo mamwe mapato akaita seMDC Alliance akatoparura zvirongwa zvekukurudzira madzimai kuti atore zvigaro zvematongerwo enyika.

Mwedzi wapfuura, MDC Allaince yakaumba komiti yeSMart Gender Drive Taskforce, inotungamirwa nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri, Amai Lynette Karenyi Kore, kuti ikurudzire madzimai akawanda mubato iri kuti atore zvigaro.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC, VaClifford Hlatywayo, vaudza Studio 7 kuti vanotsigira chirongwa cheZimbabwe Gender Commission vachiti chinofambirana nehurongwa hwavave kutoitwa mubato ravo.

Hatina kwanisa kunzwa divi rebato reZanu PF sezvo mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaTafadzwa Mugwadi, vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Asi imwe nhengo yebato iri mudunhu reHarare, VaPeter Matange, vati bato ravo rinotsigira zvirongwa zvese zvinosimudzira madzimai.

Kunyange hazvo vakadzi vari zvikamu makumi mashanu nezviviri kubva muzana, vakawana zvigaro makumi maviri nezvitanhatu musarudzo dza 2018, kubva pazvigaro mazana maviri negumi zvinovhoterwa muNational Assembly.

Pamusoro pezvo Zimbabwe ine mutemo unoisa zvigaro makumi matanhatu zvemuNational Assembly parutivi, zvinopihwa madzimai chete pachishandiswa mutemo we proportional representation.

Musarudzo dza 2018 madzimai makumi matatu nevashanu akasarudzwa kupinda mudare reSenate.

Huwandu uhu hunopokana mebumbiro remitemo yenyika rinoti vanhurume nevanhukadzi vanofanirwa kuva nezvinzvimbo zvakaenzana pazvigaro zvose muparamende nemumakanzuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG