Accessibility links

Breaking News

Gakava Pakati peHurumende naVanaChiremba Roramba Kupera Zvosiya Varwere Vari paMhene


Vanachiremba vasangana nhasi pachipatara cheParirenyatwa muHarare vakatenderana kuenderera mberi nekuramwa mabasa kunyangwe hazvo dare reLabour Court rakavati vange vadzokera kumabasa nhasi.

Musangano uyu waitwa mangwanani anhasi navanachiremba vachiti vange vachida kupangana mazano kuti votora gwara ripi.

Mumwe chiremba, Dr Rumbidzai Jamba vati vachangomirira kuona danho richatorwa nehurumende asi vakati havatombotyi chero vakanzi mabasa apera

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctor’s Association kana kuti ZHDA, Doctor Masimba Dean Ndoro vati vanachiremba havana kukwanisa kuenda kubasa nekuda kwekuti havana mari.

Mashoko aya atsinhirwa nevakafanobata chigaro chemunyori wesangano reZHDA iri Doctor Tawanda Zvakada.

Kunyangwe hazvo vanachiremba vazhinji pamusangano uyu vanga vachikurudzira hutungamiriri hwavo kuti husakwidze nyaya yavo kudare repamusoro vachiti havaoni matare achipa mumwe mutongo wakasiyana, Doctor Ndoro vati vachazeya nyaya iyi nemagweta avo vowona danho ravangatora.

Kunosvikira varwerwe pachipatara cheParirenyatwa kwanga kuine vanhu vashoma avo vanga vachiti vave nenguva vakamirira vanachiremba. Mumwe mukoti ataura neStudio 7 asina kuda kudomwa nezita atiwo vana chiremba vari pabasa vashoma zvikuru.

Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa musi wa 3 Gunyana vachiti havana zvikwanisiro zvinoita kuti vaende kumabasa.

Vamwe vanachiremba vakuru vaive vasara pamabasa vakakandawo mapadza pasi China chesvondo rapera vachinyunyutawo nenyaya dzemihoro pamwe nemamiriro akaita zvinhu muzvipatara.

Parizvino vanachiremba vari muzvipatara vakabva kuzvipatara zvemauto nevamwe kabva kunyika dzakaita seCuba neSouth Korea vakauya munyika makore maviri apfuura.

Health Services Board ndiyo yakakwidza nyaya iyi kuLabour Court ichida kuti vanachiremba vanzi vadzokere kumabasa. Studio 7 yatumira mibvunzo kuHealth Services Board kuti tinzwe zvichaitwa nekusawirirana kuripo asi tanga tisati tawana mhinduro pataenda kumhepo.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rezvehutano Dr Donald Mujiri vaudza Studio 7 kuti vachazotaura nevatori venhau vanyatsodorongodzakuti zvinhu zvange zvakamira sei muzvipatara zvose.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG