Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ave nemutungamiri mutsva kwasara mitambo mina kuti makwikwi aya asvike kwambvura yacheka makumbo.
Ngezi Platinum Stars ndiyo yave panhongonya pemumakundano eCastle Lager Premier Soccer League zvichitevera kurova kwayakaita Dynamos 2-0 muBaobab Stadium neMugovera.
Mhondoro-Ngezi yave nemapoinzi makumi matanhatu, yakaenzana neFC Platinum asi Madamburo apinda panyanga nemhaka yekukanda zvibodzwa zvakawandisa kudarika Kugona Kunenge Kudada.
FC Platinum, iyo yanga iri pamusoro, yadzikira mushure mekuita mangange 0-0 neHarare City.
Kwatambwa mitambo makumi matatu, zvikwata zvina zviri pamusoro petafura ndeizvi:
Ngezi Platinum Stars 60 points
FC Platinum 60 points
Dynamos 58 points
Chicken Inn 56 points
Muteveri weBlack Rhinos, VaJaphet Mhombera, vanoti mukombe wakananga kuMhondoro-Ngezi kana kuZvishavane.
Asi mumwe muteveri wechikwata cheDynamos, Muzvare Precious Mutandwa, vanoti kunyange hazvo zvinhu zvisina kuvafambira zvakanaka mukushanya kwavo kuBaobab, Dembare ichirimo muhondo yekutora mukombe uyu.
Kunyange hazvo vakawanda vari kunongedzera Ngezi Platinum Stars, FC Platinum neDynamos, sekunge ndidzo dzichatora mukombe uyu, Chicken Inn, iyo yakanoita 0-0 neZPC Kariba ine mukanawo zvekare sezvo yakangosiiwa nemapoinzi mana chete nezvikwata zviri pamusoro soro.
Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi:
Highlanders 2 Black Rhinos 0
Tsholotsho Pirates 2 Bantu Rovers 1
Caps United 1 Hwange 1
Shabanie Mine 1 Triangle 1
Yadah 0 How Mine 1
Bulawayo City 1 Chapungu 3
Totarisa makundano eEnglish Premier League.
Chikwata chiri kutungamira makwikwi aya cheMan City chirikufamba nebhora zvakasimba mushure mekushanya kuWest Brom ndokunokunda 3-2.
Man City yapinda mumapoinzi makumi maviri nemasere, mashanu pamusoro peMan U, iyo yakarova Tottenham 1-0 pamusha payo neMugovera.
Asi Tottenham yaramba iri pachinhanhanho chechitatu, poindi imwe chete pamusoro peChelsea neArsenal idzo dzakakundawo zvekare mumitamba yadzo.
Chelsea yakarova Bournemouth 1-0 panguva iyo Arsenal yakarova Swansea 2-1.
Liverpool yakadambura Huddersfield 3-0.
Mimwe mitambo yakafamba seizvi:
Leicester 2 Everton 0
Brighton 1 Southampton 0
Crystal Palace 2 West Ham 2
Watford 0 Stoke 1
Facebook Forum