Accessibility links

Breaking News

Amai Petronella Kagonye Vanobvisiswa Chibatiso neDare


Petronella Kagonye
Petronella Kagonye

Vaimbova gurukota rezvevashandi, Amai Petronella Kagonye, vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva nhanhatu dzavariu kupomerwa dzekuita zvehuori.

Mutongi wedare, VaStanford Mambanje, vatura mutongo wekuti Amai Kagonye vatongwe vachibva kumba mushure mekunge hurumende yati haisi kupikisa chikumbiro chavo chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

VaMambanje vati Amai Kagonye vabhadhare zviuru makumi matatu zvemadhora ari maRTGS ($30 000) semari yechibatiso, vazvipire kumapurisa neChishanu chega-chega, vasiye magwaro avo ekufambisa kudare, uye vagare pakero yavakanyoresa kumapurisa uye kuti vasavhiringidzane nevafakazi kudzamara nyaya iyi yapera kutongwa.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaMichael Reza, vati Amai Kagonye, vachishandisa kambani yavo yeGlorious Properties, vakanyepera mimwe mishandirapamwe inoita zvedzimba kana kuti ma housing cooperative epapurazi reSolomio riri muRuwa rinova reZB Bank kuti vaive nechidimu chavo mupurazi iri vakatengesera mibatanidzwa iyi masitendi ivo vachiziva kuti havasi muridzi wepurazi iri izvo zvakaita kuti mishandirapamwe iyi irasikirwe nemari inoita zviuru mazana maviri namakumi manomwe nezvishanu zvemadhora ekuAmerica (US$275 000).

Mapepa ari pamberi pedare anotiwo Amai Kagonye vakanyepera vagari vemuRuwa kuti vane masitendi papurazi reCloverdale riri muGoromonzi vakavatengesera masitendi aya vachiziva zvakare kuti purazi iri harisi ravo zvakaita kuti vanhu ava varasikirwe nemari inoita zviuru makumi mana zvemadhora ekuAmerica (US$40 000).

VaReza vatiwo Amai Kagonye vakaba ma computer makumi maviri kubazi rePosts and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe avakapihwa achinzi aizonoshandiswa muzvikoro zviri muGoromonzi South asi ma computer aya haana kuzosvika kuzvikoro izvi.

VaReza vatiwo Amai Kagonye, avo vakamboshanda mubazi rezveminda vari chief lands officer, vakapawo hama yavo, VaIshamael Kagonye, purazi vachishandisa simba ravo zvisirizvo sezvo pasina kutevedzerwa gwara rinoshandiswa nebazi iri kupa vanhu minda.

Gweta raAmai Kagonye, VaRungano Mahuni, vati Amai Kagonye havasi kubvuma mhosva dzavari kupomerwa idzi asi vafara kuti vapihwa mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo.

VaMambanje vati Amai Kagonye vagodzoka kudare musi waKurume 30.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG