Accessibility links

Breaking News

VaPeter Mutasa Vanosarudzwa Kuva Sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition


Former ZCTU President Peter Mutasa
Former ZCTU President Peter Mutasa

Vaimbove mutungamiriri weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, ndivo vave sachigaro wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition mushure mekukunda musarudzo dzaitwa padandemutande nenhengo dzesangano iri nhasi.

VaMutasa vawana vavhoti makumi maviri nematanhatu vakakunda mukuru weVendors’s Initiative for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadzai, avo vawana mavhoti makumi vaviri nematatu.

Mukuru weNational Youth Development Trust yekuBulawayo, Busi Dube ndivo vave mutevedzeri wasachigaro wesangano riri mushure mekukundaMuzvare Daina Alice Kuvheya veChitungwiza Residents Trust.

VaMutasa vatambira zvabuda musarudzo vachiti chekutanga chavachaita kubatanidza nhengo dzese dzesangano iri kuti varonge kuti votora gwara ripi vachiti pane basa guru rinofanira kuitwa sezvo nyika yakatarisa nematambudziko makukutu.

VaWadzai vati havana zvekutaura pamusoro pesarudzo dzanhasi.

Asi Muzvare Khuvheya vati havana kufara nemafambisirwo aitwa sarudzo uye vati vachagara pasi nebhodi resangano ravo nhasi manheru kuti vazeye zvaitika nhasi pamwe nekuonba kuti votora matanho api.

Vamwe vasina kufara nesarudzo dzanhasi, ndiVaPride Mukono vesangano reYouth Environmental Management Trust, avo vati pane matanho avari kutora ekugadzirisa kubirirwa kwavanoti kwaita sarudzo.

Asi mushandi mukuru muCrisis in Zimbabwe Coalition, VaBlessing Vava, vaudza Studio 7 kuti sarudzo dzaitwa pajekerere uye dzafamba zvakanaka.

VaVava vati kusvika parizvino hapana zvichemo zvavati vawana.

Kunze kwevatungamiriri vasarudzwa nhasi, dzimwe nhengo dzebhodhi reCrisis in Zimbabwe Coalition ndiVa Obert Masaraure vanove mutauriri wesangano iri naVaGamuchirai Mukura vanove mubati wehomwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG