Accessibility links

Breaking News

VaJacob Zuma Vokurudzirwa Kuremekedza Mitemo yeSouth Africa


Former South African President Jacob Zuma, addresses supporters outside the High Court in Pietermaritzburg, South Africa, Wednesday May 26, 2021 where he faces charges of corruption. Zuma pleaded not guilty to corruption, racketeering, fraud, tax…
Former South African President Jacob Zuma, addresses supporters outside the High Court in Pietermaritzburg, South Africa, Wednesday May 26, 2021 where he faces charges of corruption. Zuma pleaded not guilty to corruption, racketeering, fraud, tax…

Zvichitevera kutongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemishanu kwakaitwa vaimbove mutungimiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti VaZuma vanofanirwa kuzviisa mumaoko evakuru vakuru kuitira kuti vasaonekwe semunhu anozvidza matare edzimhosva nguva dzose.

Dare repamusorosoro remuSouth Africa nezuro rakawana VaZuma vaine mhosva yekuzvidza dare apo vakaramba kumiswa muna Kukadzi pamberi pekomiti yaiferefeta huori hwavari kupomerwa.

VaZuma, avo vava nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe, vari keferefetwa nenyaya dzine chekuita nekushandiswa kwemari zvisiri pamutemo kubva muna 2009 kusvika muna 2018 apo vaive mutungamiri weSouth Africa.

Mhosva idzi dziri kupomerwawo mhuri yekwa Gupta, zvikuru vanakomana vanoti Atul, Ajay, naRajesh Gupta, avo vanonzi vaive pedyo zvikuru naVaZuma.

VaZuma vari kuramba kuti vakapara mhosva idzi, uye vakaramba kumira pamberi pekomiti yemutevedzeri wemutongi mukuru wematare edzimhosva, Justice Raymond Zondo, vachiti yainge yakavamaka, uye iine divi rayakarerekera.

VaZuma vari kupomerwawo mhosva dzekuba mari, kuburitsa mari munyika zvisiri pamutemo, kutengwa kwendege dzehondo, kutengwa kwengarava dzehondo pamwe nekutengwa kwezvombo zvehondo kubva kumakambani enyika dzekuEurope.

Pasi pemitemo yemuSouth Africa, VaZuma vanofanirwa kuzviisa mumaoko evakuru vakuru mukati memazuva mashanu kuitira kuti vatange kupika jeri.

Nyanzvi munyaya dzemitemo uye vari gweta rinoshanda riri muSouth Africa, VaChrispen Machingura, vaudza Studio 7 kuti muSouth Africa, nyaya yekuzvidza dare imhosva huru, nokudaro VaZuma vanofanirwa kutevedza zvinodiwa nemitemo yenyika iyi.

VaMachingura vati VaZuma vakasazvipereka kuvakuru valuru vezvemitemo, vanosungwa.

VaMachingura vatiwo iyi haisi nyaya yezvematongerwo enyika nekuti VaZuma vakapiwa mikana yakawanda yekuti vazvichenure pamhosva dzavari kupomerwa.

VaMachingura vati kunyange hazvo paine vatsigiri vaVaZuma nevamwe vari mubato reAfrican National Congress vari kutsika madziro vachiti VaZuma havafanirwe kuenda kujeri, havaoni zvido zvevanhu ava zvichibudirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG