Accessibility links

Breaking News

Forbes Africa Yocherechedza Zvizvarwa zveZimbabwe Zvina


Nomvulo Muhambi

Zvizvarwa zvemuZimbabwe zvinoti, Simba Mubvuma, Nomvulo Mhambi, Samuelle Damairho naGilbert Eugene zvakadomwa neForbes Africa 30 Under 30 sevamwe vechidiki vemuAfrica vari kuita zvikukutu munyaya dzezvemabhimisi, mitambo yepasichigare nehumhizha hwechizvinozvino, kana kuti technology.

Studio 7 yakakwanisa kubata vaviri vevechidiki ava, avo vakaratidza kufara uye nekushamiswa kuti vakadomwa muchirongwa chinokosheswa nevechidiki zvakanyanyisa muAfrica.

Muhurukuro yatakaita naSimba Mubvuma, wechidiki uyu akatsanangura zviri maererano nedonzvo reForbes Africa 30 Under 30 ya2018 achiti kudomwa kwaakaitwa kwasimudzira nekuvandudza mabasa anoitwa nekambani yake yeLexware INC.

Simba Mubvuma, Forbes Africa 30 Under 30, 2018
Simba Mubvuma, Forbes Africa 30 Under 30, 2018

Mubvuma akatsanangura basa rinoitwa nekambani yake yeLexware INC, iyo inovandudza mabasa evanoshanda semagweta.

Mukomana wechidiki uyu anoshanda segweta pakambani ine mbiri muZimbabwe yemagweta anoshanda kunyanya mune nezvekodzero dzevanhu.

Mubvuma akataura kuti vechidiki vakawanda vari kufara kwazvo nechiitiko ichi uye kune vari kufona kubva kune dzimwe nyika dzemuAfrica vari kuda kushanda uye nekubatsirwa nekambani yake yeLexware INC.

Mukomana uyu akatiwo vabereki vake vakafara chaizvo nechiitiko ichi, uye ane tarisiro yekuti mumakore gumi anotevera, kambani yeLexware INC inge yashanda nevechidiki vanodarika mazana mashanu uye yave kuita mari inodarika mamirioni emadhora pagore.

Mubvuma akaendera mberi achiti zvinhu zvakadai hazviitike nyore akati kuti munhu abudirire anofanirwa kunge achishanda zvine simba. Akatiwo achapa vechidiki vachiri kusimukira mabasa.

Mumwe wevakadomwawo neForbes Africa 30 Under 30, Nomvulo Mhambi, uyo ane kambani ionzi Disruptive Innovation, akataura kuti vabereki vake vakafara chaizvo nechiitiko ichi nokuti zvinhu zvaakange asingafungire kuti zvaikwanisika kuitika kwaari.

Mhambi akataura kuti haana kuzokwanisa kupedza zvidzidzo zvake zvepamusorosoro neUniversity of South Africa nokuti mabhizimisi ake akabva atanga kusimuka zvakanyanyisa zvokuti nguva zhinji akange achingofamba nenyika dzakasiyana siyana achifambira zviri maererano nezvemabhizimisi ake.

Muzvare Mhambi ane mamwe mabhizimisi anoita nezvekushongedzwa kwevhudzi nenzara uye nerimwe rekurima hohwa hwaanotengesera zvitoro zvakawanda muHarare nekuBulawayo

Vamwe vechidiki vaviri vakadomwa neForbes Africa 30 Under 30 vanoti Samuelle Dimairho wekambani inonzi Chengetedzai Depository Company Auro Group Ltd na Gilbert Eugene Peters ane kambani inonzi Spidex, havana kukwanisa kutaura neStudio 7 sezvo vachigara kuSouth Africa, kunyange hazvo mabhizimisi avo ari kufambiswa ari munyika muno.

Takaedzawo kubata vanotungamira chirongwa cheForbes Africa 30 Under 30 kuSouth Africa tisati taenda pamhepo asi takakundikana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG