Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Ichashandisa Zita Rekuti MDC Alliance Musarudzo Dzose Dzichaitwa Munyika


Khupe Chamisa

MDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe inoti iri kupinda musarudzo dzema by elections dzichaitwa munyika ichishandisa zita rekuti MDC Alliance.

Izvi zvakabuda pamusangano wekucherechedza kusvitsa makore makumi maviri nerimwe chete kubva pakaumbwa bato reMDC muna 1999.

Hurongwa uhwu hwakaitirwa pamuzinda weMorgan Tsvangirai House muHarare uye hwakapindwa nehutungamiri hweMDC-T mudunhu reHarare varongi vemusangano vachiti vakaitira izvi senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Sachigaro veMDC-T, VaMorgen Komichi, vakati vachashandisa zita rekuti MDC Alliance musarudzo dzose dzichaitwa munyika sarudzo dza 2023 dzisati dzaitwa.

VaKomichi vakati MDC-T, iri pasi pehutungamiri hwamushakabvu MorganTsvangirai, ndiyo yakaronga mubatanidzwa weMDC Alliance paine chinangwa chekuti mapato apinde musarudzo akabatana.

VaKomichi vakati pamutemo, MDC Alliance izita remubatanidzwa wemapato akawirirana neMDC-T kupinda musarudzo pamwe chete, nokudaro MDC-T ndiyo chete inokwanisa kushandisa zita iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi MDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti zviri kuitwa naVaKomichi nevamwe vavo zvinoratidza kuti bato iri rinodyidzana neZanu PF.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutariri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, kuti tinzwe pamire bato ravo sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, Va Clifford Hlatywayo, vanoti zviri kuitwa neMDC-T zvinoratidza kuti bato iri rava kupenga zvemhando yepamusoro soro.

VaHlatywayo vanoti MDC Alliance ibato rakazvimirira rakasarudza mutungamiri waro, VaChamisa, pakongiresi yakaitwa kuGweru muna 2018, pamberi pesarudzo dza2018.

VaHlatywayo vanoti MDC-T haikwanisi kushandisa zita reMDC Alliance iro rine nhengo dzeparamende nemakanzura ari kudzingwa neMDC-T.

MDC Alliance yakaitawo musangano wayo weNational Executive neMugovera, uyo wakabuda nezvisungo zvakati wandeyi, izvo zvinosanganisira kuitwa kwenhaurirano dzechokwadi dzekupedza kutambura kuri kuita vanhu munyika, pamwe nesarudzo dzema by elections.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti dzinoona nyaya yekushandisa zita reMDC Alliance kuchitwa neMDC-T ichiperera kumatare sezvo mativi ose maviri ari kuti zita iri nderawo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mu MDC mune makakatanwa arimo zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai muna 2018. Makakatanwa aya ari pakati paMuzvare Khupe naVaChamisa panyaya yekuti ndiyani aifanirwa kutsiva VaTsvangirai.

Dare repamusoro soro rakapa mutongo waro muna Kurume wekuti Muzvare Khupe ndivo vanofanirwa kufanobata matomu poitwa kongiresi yechimbi chimbi yekusarudza munhu anotora chigaro chakasiyiwa naVaTsvangirai.

Kongiresi iyi haisati yaitwa zvichitevera chikumbiro chakaitwa neMDC-T ichiti nepamusana pedenda reCovid-19, haikwanisi kuita kongiresi yayo yechimbi chimbi.

Kunyange hazvo paine mutongo wedare uyu, MDC Alliance inoti mutongo uyu wakadyiwa nenguva sezvo yakaita kongiresi yayo, ukuwo MDC-T ikaitawo kongiresi yayo.

Asi mutongo weSupreme Court wakati zvose zvakaitwa naVaChamisa naMuzvare Khupe zvekuita makongiresi aya zvainge zviri kunze kwebumbiro reMDC, izvo zvakapa kuti ripe matomu kuna Muzvare Khupe kudzamara kongiresi yechimbi chimbi yaitwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG