Accessibility links

Breaking News

Fifa Yoyambira Zimbabwe Kuti Inogona Kudzingwa Munhabvu yePasi Rose


Switzerland Soccer FIFA

Sangano reFifa raudza Sport and Recreation Commission kuti idzore bhodhi reZifa rayakadzinga, kutadza kwayo kuita izvi, yotorerwa matanho makukutu.

Fifa inoti bhodhi reZifa iri rakadzingwa nemhosva dzekunenedzerwa.

Fifa yapa SRC kusvika musi wa 3 Ndira kuti idzore VaFelton Kamambo nevamwe vavo pabasa, kutadza kwayo kuita izvi, Zimbabwe yotorerwa matanho akasimba.

Mutsamba yanyorwa nhasi, Fifa inoti hapana rimwe sangano pasi rino rinotenderwa kubvisa komiti inotungamira nhabvu munyika nekuisa imwe kunze kwayo.

Inoti yaive yawirarana kuti SRC nebhodhi raVaKamambo vashande vese kugadzirisa ramangwana renhabvu asi sachigaro weSRC, VaGerald Mhlotswa, vakabuda muhurukuro idzi vasingade kushanda neZifa.

VaMhlotswa havana kubatika kuti tinzwe kuti sei vakabuda muhurukuro idzi uyezve kuti SRC yave kutora matanho api netsamba yabva kuFifa iyi.

Fifa inoti mitemo yayo iri pachena kuti haitenderi wechitatu kupindira mukurarama kwerimwe rebazi rayo. Yatiwo SRC yakakanganisa, izvo zvinoita kuti Zimbabwe idzingwe mumakundano nedzimwe nyika.

Izvi zvinosanganisira makundano e2021 Africa Cup of Nations ayo ari kutanga musi wa 9 Ndira kusvika musi wa 6 Kukadzi kuCameroon.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaEddy Chivero, vanoti veZifa neSRC vanofanira kugara vese pasi vagadzirise nyaya yavo nyika isati yarasikirwa nemukana yayakatarisana nayo.

Asi gadziriro yeAfcon yasimuka nhasi apo varairidzi vemaWarriors vadoma vatambi makumi matatu apo pachabuda vatambi makumi maviri nevatatu vachaenda kumafainari.

Chikwata ichi chiri kutungamirwa naKnowledge Musona uyo ari kuenda kumafainari eAfcon matatu akateverana ari kaputeni.

Musona ari kubatana naTino Kadewere weLyon kuFrance, Jordan Zemura weBournemouth na Admiral Muskwe weLuton KuEngland, Teenage Hadebe weHouston Dynamo kuAmereka naPrince Dube weAzam kuTanzania pavatambi veZimbabwe vane mukurumbira.

Asi chikwata ichi chakazara vatambi vanotambira zvikwata zvemuno kusanganisira Peter Muduwa, Godknows Murwira, Bill Antonio, Kelvin Madzongwe, Petros Mhari, Tapiwa Sibanda, Shepherd Mhlanga naPanashe Mutimbanyoka.

Vamwe vakaita saGerald Takwara, Onismo Bhasera, Takudzwa Chimwemwe, Kuda Mahachi, Bruce Kwangwa, Never Tigere, Thabani Kamusoko, Temptation Chiwunga naIshmael Wadi varikubva kuzvikwata zvekuSouth Africa,Tanzania neZambia.

MumaWarriors mune zvekare vabati vepagedhe vana Talbert Shumba, Taimon Mvula, Martin Mapisa naMhari apo pachabuda vatatu vachaenda kuCameroon.

Vatambi vanotambira zvikwata zvemuno vari kupinda mukamba mangwana asi maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, vanoti chikwata chese chichaungana svondo rinouya.

Zimbabwe iri mugungano rimwechete neGuinea, Malawi neSenegal, gungano iro VaMpandare vanoti harina kunyanya kuoma.

Zimbabwe haisati yambodarika nharaunda yekutanga kubvira muna 1980 apo yakatanga kukwikwidza nedzimwe nyika,

Asi hazvisi pachena kuti Zimbabwe ichabudirira here kuenda kuAfcon 2021 zvihitevera kubuda kwegakava riripo pakati peFifa neSRC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG