Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Yotatsurana neEsperance muCaf Champions League


FC Platinum
FC Platinum

Vatsigiri venhabvu munyika vane mukana wekuona chikwata chine mukurumbira muAfrica uye chine mukombe weCAF Champions league cheEsperance icho chiri kutamba neFC Platinum mangwana kuBarbourfields Stadium kuBulawayo.

Esperance yakasimudzamukombe weCAF Champions katatu uku FC Platinum yakapinda mumini League kekutanga iri kutatarika zvakasimba ichikwanisa kungoita mapoinzi maviri chete pamitambo mishanu zvichireva kuti ndiyo iri pasi muGroup B.

Esperance ndiyo iri pamusoro mugungano iine mapoinzi gumi nerimwe. FC Platinum yakatobuda mumakwikwi aya kare zvekuti changosara kungobudawo nechiremera nekukunda chikwata chine mukurumbira ichi.

Pamusoro pemikombe mitatu yeCaf Champions League, Esperance yakambotora zvekare mukombe weAfrica Super Cup pamwe neweCaf Confederation Cup.

Payakapedzisira kutamba mumakundano aya kuSouth Africa, FC Platinum yakaita rombo rakaipa apo yakakandwa chibodzwa, mutambo wave kupera vakatungamira 2-1, mutambo uyu ndokupera uri mangange

Mumwe muteveri wechikwata ichi Muzvare Olivia Mushipe vanoti FC Platinum ikatamba sezvayakaita neOrlando Pirates kuOrlando Stadium masvondo maviri apfuura inokwanisa kudonhedza gomo guru remuAfrica iri.

Imwe nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association VaObert Masvotore vanoti FC Platinum haifanire kuvhundutsirwa nemazita nekuti zvikwata zvakaita seEsperance zvinoroveka.

Mumwe muteveri wechikwata ichi vaMaxwell Mufandaedza vanoti vachitarisa matambiro avakaita kuTunisia, negadziriro yavaita ikozvino, varikuona chikwata chavo chichikunda, vachitiurira zvibodzwa.

Asi FC Platinum inennge isina vatambi vatatu mumutambo uyu nekuda kwemacards avakapihwa, vatatu ava vanoti Gift Bello, Elvis Moyo naKelvin Madzongwe.

Pavakatambira kuTunis, FC Platinum yakarohwa 2-0 mumutambo uyo vakatambisa mikana yakawandisa.

UEFA Champions

Mune mamwe makwikwi ange akatarisirwa nevakawanda eUEFA Champions league, draw yemaquater finals yemutambo uyu yakamira yakadai

Ajax vs Juventus

Liverpool vs Porto

Tottenham vs Manchester City

Manchester United vs Barcelona

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG