Accessibility links

Breaking News

FC Platinum Yoshura Mare muCastle Lager Premier League


FC Platinum

FC Platinum yawedzera hutungamiri hwayo iri pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League apo zvikwata zvave kuenda kuzororo yepakati pegore.

Chikwata chaNorman Mapeza ichi chave kutungamira makundano aya nemapoinzi matanhatu mushure mekunge Kugona Kunenge Kudada yarova Highlanders 1-0 nechibodzwa chakakandwa naGift Mbweti.

Kukunda uku kwapinza FC Platinum mumapoinzi makumi mana nemana mapoinzi matanhatu pamusoro peNgezi Platinum Stars iyo yakashanya muNational Sports Stadium ndokudamburwa 2-1 neBlack Rhinos.

Vanotevera mutambo wenhabvu vave nechivimbo chekuti FC Platinum inotora mukombe uyu zvekare kunyange hazvo pachiri nemimwe mitambo gumi neminomwe isati yatambwa.

FC Platinum yasiya Chicken Inn iyo yakarova Triangle 1-0 nemapoinzi gumi nemana, uyezve iri pamusoro peCaps United nemapoinzi gumi nemashanu, mushure mekunge Caps United yakafamba kuGweru ndokurova Chapungu 2-0 muAscot Stadium.

Mutevedzeri wemurairidzi weCaps United, Fungai Kwashi ari kufara nematambiro akaita Makepekepe paChapungu, kunyange hazvo zvemukombe weCastle Pemier soccer League ave maroto.

MaGreen Machine abatana neDynamos mukufara mushure mekunge Dembare yakatora mamwe mapoinzi matatu nekurova Nichrut 2-1 muRufaro Stadium.

Mapoinzi matatu aya, ayo auya zvichitevera kurova kwavakaita Mutare City Rovers svondo rapera, kwakwidza Dynamos kusvika pachinhanho chegumi asi mapoinzi makumi maviri nemana pasi peFC Platinum.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi …

Harare City 3 Yadah 0

Herentals 1 Shabanie Mine 1

Bulawayo City 1 Mutare City Rovers 0

Bulawayo Chiefs 0 ZPC Kariba 2

Kwatambwa mitambo gumi neminomwe zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi…

FC Platinum 44 points

Ngezi Platinum 38 points

Chicken Inn 30 points

Caps United 29 points.

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi…

Mutare City Rovers 14 points

Nichrut 13 points

Shabanie Mine 13 points

Chapungu 13 points.

Makundano aya ari kuenda kuzororo remasvondo maviri asi murairidzi weDynamos Lloyd Mutasa anoti zororo ir rauya panguva iyo vanga vave nechidokwadokwa chekuda kuramba vachitamba.

Makwikwi enhabvu aya ari kusimuka zvekare musi wa 7 Chikunguru apo zvikwata zvichapihwa mukana wekutenga vatambi vatsva pamwe nekutengesa vavasisade.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG