Accessibility links

Breaking News

Hama dzaVaLavender Chiwaya Dzinoti Mapurisa Adzirambira Mutumbi weMufi


Lavender Chiwaya

Paita makakatanwa akaipa pakati pemapurisa nemhuri yenhengo yeMDC Alliance, VaLavender Chiwaya, avo vakawanikwa vakafa neChishanu mangwanani.

Makakatanwa aya atanga zvichitevera kutadza kuitwa ongororo yekuti chakakonzera kufa kwaVaChiwaya chii, kana kuti post-mortem neMugovera pachipatara chemuKaroi.

Mushure mekutadza kuuya kwachiremba anoongorora mitumbi yevanhu vanenge vafa nedonzvo rekuona chinenge chauraya munhu, pazorongwa kuti mutumbi uyende kuHarare asi pashaikwa motokari inotakura chitunha.

Hama dzemufi dzabva dzati zviri nani dzivige hama yadzo, asi mapurisa aramba kutambira izvi achiti ari kutevedza mutemo unobata mavigirwo anoitwa munhu anenge achifungidzirwa kuti akapondwa.

Mutauriri wemhuri uye vari mukoma wemufi, VaJohannes Chiwaya, vati
havasi kufara nekurambirwa nemutumbi kuri kuitwa nemapurisa vachiti hapana chichashanduka.

VaChiwaya vati varombo zvekuti havana mari yekutenga zvekudya kana
rufu rwukatora nguva yakareba, uye munguva ino yeCovid-19, vanhu havafanirwe kuungana kwenguva yakareba.

Asi mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, VaIan Kohwera,
vati mapurisa ane kodzero yekuti ongororo iyitwe zvichienderana
nemafiro anenge aita munhu.

Danho ratorwa nemapurisa rasiya vanhu vakapatsanurana vamwe vachiti
vanotsigira danho remapurisa kuitira kuti pabude chokwadi kuitira kuti vanhu vasapumhana uroyi sezviri kuitika, asi vamwe vachiti mufi akaurayiwa nekuda kwenyaya dzezvematongerwo enyika, uye hapana chazvinobatsira kumirira ongororo yachiremba.

VaChiwaya, avo vanga vari sachigaro weMDC Alliance we Ward 4 muHurungwe, uye vari kanzura, vakawanikwa vakafa neChishanu mangwanani pedyo nepamba pavo muKaroi mudunhu reMashonaland West.

Matauriri wemapurisa munyika, VaPaul Nyati, vazivisa kuti mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi, uye ane ruzivo rwezvakaitika manheru eChina apo VaChiwaya vanonzi vakatenga chibage chakagochwa pamwe nezvinodhaka vachibva vaoneka shamwari dzavo vachiti vava kuenda kumba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG