Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Zimbabwe Haikwanisi Kudzosera Vasungwa kuAmerica


Gweta Va Tendai Biti
Gweta Va Tendai Biti

Hurumende yeZimbabwe haikwanise kushandisa chibvumirano chayo che Extradition Treaty icho yakanyorerana ne America muna 1997.

Hurumende yeZimbabwe haikwanise kushandisa chibvumirano chayo che Extradition Treaty icho yakanyorerana ne America muna 1997.

Richipa mutongo waro panyaya yakakwidzwa kudare iri nemagweta ari kumirira Andrew Tashanduka Bere, uyo akasungwa nemapurisa kuChiredzi nechinangwa chekuti adzoserwe ku America uko akatiza mushure mekuwanikwa aine mhosva yekuba mari yemitero inodarika mamiriyoni manomwe emadhora, mutongi wedare iri, Va David Mangota, neChitatu vakati hapana mutemo weparamende unotsigira chibvumirano chiripo pakati pe America neZimbabwe, nokudaro musungwa haaendeswe kuAmerica.

Izvi zvinoreva kuti Bere anofanirwa kubviswa muhusungwa.

America yanga ichadawo zvakare kuti vamwe vari kupomerwa mhosva pamwe chete naBere, Julius Marimbire na Chris Marimbire, vasungwe uye kudzoserwa kuAmerica uko vakapara mhosva asi iizvi hazvigoneki kuti zviitwe sezvo hurumende yeZimbabwe isina simba rekuita izvi.

Vana mazvikokota vezvemutemo vanotiwo kunofanirwa kuti kuitwe chisungo nedare reparamende chinoita kuti chibvumirano ichi chiitwe mutemo.

Vachitsanangura mashandiro anoita chibvumirano ichi, gweta rine mukurumbira munyika, VaTendai Biti, vati hurumende yakatadza basa nekusaunza chibvumirano ichi pamberi pedare reparamende kuitira kuti chizoitwa mutemo.

Vatiwo kune zvimwe zvibvumirano nedzimwe nyika dzisiri America zviri kushanda sezvazvinofanira kuti zviite.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG