Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voenda kuMatare Vachipikisa Zec Yakati VaMnangagwa Vakakunda Musarudzo


Nelson Chamisa Bindura Zimbabwe Elections

Nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo yenyika dzinoti kana MDC Alliance ikakwidza nyaya yayo kumatare edzimhosva yekuti VaNelson Chamisa vakakunda mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, izvi zvinomisa kugadzwa kwaVaMnangagwa.

VaChamisa vanoti vari kuronga kuenda mutare kunopikisa zvakaburitswa neZimbabwe Electoral Commission, Zec, vachiti vane humbowo hunoratidza kuti vakakunda VaMnangagwa zvine mutsindo.

Bumbiro remitemo yenyika rinopa vanenge vasina kufara nezvebuda musarudzo mazuva manomwe kubva panozviswa zvabuda musarudzo kuti vakwidze nyaya yavo kumatare.

Kana izvi zvisina kuitika zvinoreva kuti vanenge vakunda musarudzo vanogadzwa semutungamiriri wenyika mukati memazuva mapfumbamwe kubva pazuva raitwa sarudzo.

Vari kuziva zviri kuitika zvakare vari gweta muMDC Alliance, VaJacob Mafume, vaudza Studio 7 kuti MDC Alliance iri kuenda kumatare neMuvhuro kana Chipiri kuitira kuti inopikisa zvakaziviswa neZec.

Asi nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo yenyika, uye vari mutungamiri weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vachitaura senyanzvi yemitemo vanoti kuti MDC Alliance ibudirire panyaya iyi, inofanira kuburitsa humbowo hwemagwaro ekuzvivisa zvakubuda musarudzo panzvimbo yega yega yakavhotera vanhu munyika uye magwaro avo anofanira kufanana neeZec pamwe nevamwe vakapinda musarudzo idzi.

VaMadhuku vanoti matare anosungirwa kupedza nyaya iyi mukati memasvondo maviri uye panguva iyi VaMnangagwa ndivo vanenge vari mutungamiriri wenyika.

Vanoongorora zvematonerwo enyika vakazvimirira, VaJoy Mabenge, vaudza Studio7 kuti sekunzwa kwavari kuita, MDC Alliance ine humbowo hwekuti sarudzo idzi dzakabiridzirwa, uye kana humbowoi uhwu hukatambirwa nematare bato iri rinogona kubudirira.

Asi vanoti zvinogana kunetsa kana MDC Alliance ikatadza kuburitsa humbowo.

Sachigaro veZec, Amai Priscilla Chigumba, vakati VaMnangagwa vakawana 50.8 percent, ukuwo VaChamisa vachiwana 44.3 percent musarudzo yemutungamiriri wenyika yaikwikwidzwa nevanhu makumi maviri nevatatu, kusanganisira VaMadhuku.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG