Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vanosungwa Vachipomerwa Mhosva yeKushandisa Hofisi Yavo Zvakashata


VaSaviour Kasukuwere
VaSaviour Kasukuwere

Vaimbove gurukota rinoona nezvematunhu nemadhorobha muhurumende yaVaRobert MUgabe, VaSaviour Kasukuwere, vazvipira kumapurisa uye vabva vapomerwa mhosva ina dzekusashandisa mahofisi avo zvisiri pamwero apo vaive gurukota rehurumende.

Gweta raVaKasukuwere, VaJonathan Samkange, vaudza Studio7 kuti VaKasukuwere, avo vakasvika munyika neSvondo, vaenda vega kumapurisa uye vanotarisirwa kumira mudare nguva ipi zvayo.

Vati VaKasukuwere vari kupomerwa mhosva dzekusashandisa mahofisi avo zvakanaka apo vaive gurukota rehurumende.

Zvinonzi mhosva nhatu dzacho vakadzipara apo vaive gurukota rezvemadhorobha nematunhu uye dzine chekuita nekusungwa kwaAmai Junior Shuvai Gumbochuma avo vakatomiswwa pamberi pematare vachipomerwa mhosva yekutengesa nzvimbo yekuvakira dzimba yavainge vawana kubva kubazi rezvemadhorobha nematunhu nechikiribidi.

Amai Gumbochuma, avo vanova mukoma wemudzimai waVaRobert Mugabe, Amai Grace Mugabe,vakabhadhara mazana mashanu emadhora semari yechibatiso pamhosva nhatu dzavari kupomerwa uye nyaya yavo ichadzoka zvakare mudare mwedzi unouuya.

Mhosva yechina yaVaKasukuwere vanonzi vakaipara apo vaive gurukota raiona nezvevechidiki nekupa masimba munyaya dzehupfumi kuvatema vemuno.

VaSamkange vaudza Studio 7 kuti vachaziva zvizhinji pamusoro penyaya dzaVaKasukuwere kana vachinge vapinda mudare.

Vati hurongwa ndehwekuti VaKasukuwere vapinde mudare kunyange pakati pehusiku chaipo.

Studio7 yabata mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Charity Charamba, avo vati hapana zvavanoziva nezvekusungwa kwaVaKasukuwere.

Amai Charamba vatiwo kana Studio7 ichida kuziva zvakawanda, ngaiende kwayawana nyaya yekusungwa kwaVaKasukuwere.

Kubva zvabviswa VaMugabe pachigaro muna Mbudzi gore rapera, kune makurukota akati kuti asungwa achimiswa pamberi pematare edzimhosva.

Makurukota aya anosanganisira VaIgnatious Chombo, Va Samuel Udenge, VaJoseph Made, VaJason Machaya nevamwe.

Vose makurukota aya vanhu vanofungidzirwa kuti vaitsigira chikwata cheGeneration 40, icho chairwisana neTeam Lacoste, iyo inonzi inotsigira VaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG