Accessibility links

Breaking News

European Union Inoti Zvichemo Ngazvigadziriswe Sarudzo Dzisati Dzaitwa


EU Observers in Harare
EU Observers in Harare

Vari kutungamira chikwata cheEuropena Union chiri kuongorora sarudzo dzichaitwa musi wa 30 Chikunguru, VaAlmar Brok, vanoti kuita sarudzo dzakachena kunobatsira Zimbabwe pachirongwa chayo chekugdzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nehupfumi.

Vachitaura nevatori nevanhau muHarare neChishanu, VaBrok vati zvakakosha kuti Zimbabwe iite sarudzo dzakachena vachiti izvi zvinorerutsa chirongwa chayo chekuda kudyidzana nedzimwe nyika mushure mekunge hukama hwayo nenyika zhinji dzepasi rose hwadzikira pasi pehutongo hwaVaRobert Mugabe.

Vati nekuda kwaizvozvo, zvakakosha kuti Zimbabwe Electoral Commission, Zec, iite basa rayo sezvainotarisirwa kuita uyewo kuti basa iri riitwe pachena kuitira kuti vese vari musarudzo vagutsikane nemafambisirwo esarudzo.

Vati sezvo Zimbabwe ichizivikanwa nekuita sarudzo dzine mutauro, pari zvino pane vamwe vane chivimbo nemafambiro ari kuita zvinhu kunyange hazvo pachine zvinhu zvakawanda zvichiri kuda kugadziriswa.

VaBrok, avo vakasangana nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, sachigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, vatori venhau, mapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira, vati mumisangano yavo mabuda zvichemo zvakati kuti uye shuviro yavo ndeyekuti dai zvichemo izvi zvagadziriswa kuitira kuti sarudzo dzisaite mutauro.

Vatiwo vakanzwa zvakataurwa nemauto kuti acharemekedza bumbiro remitemo yenyika pasarudzo, asi vakati Zec haifanirwe kuita zvinhu zvinoita kuti vanhu vafungire kuti sarudzo dziri kubirwa zvakaita sekushandisa mauto pasarudzo.

Chikwata cheEU chinotiwo hachina kufara nezvachakaona pachakadeedzwa nevamwe kunoona kudhindwa kwemapepa ekuvhotera kuFidelity Printers svondo rapfuura. EU yatiwo chingave chinhu chakanaka chose kana zvinhu zvese zvikaitwa pachena.

Mutevedzeri wemukuru wechikwat ichi, VaMark Stevens, vati mafambisirwo esarudzo anosiyana siyana uye kune dzimwe nyika kudhindwa kwemapepa ekuvhotera kunoitwa pachena vese vanokwikiwdza vachiona.

Asi vatiwo kune dzimwe nyika vanoita zvinhu muchihwande sezviri kuitwa muZimbabwe.

Aka ndekekutanga mukati memakore gumi nematanhatu hurumende yeZimbabwe ichichoka Europen Union kuzoongorora sarudzo.

Hurumende yaVaMnangagwa, iyo yakatora matomu zvichitevera kudzingwa basa kwaVaMugabe muna Mbudzi gore rapfuura nemauto, yakakoka nyika pamwe nemasangano ekunze akawanda kuti azoongorore sarudzo sezvo ichiti sarudzo idzi dzichaitwa pachena.

Zvichakadai, vakasanobata chinzvimbo chemumiriri weAmerica muZimbabwe, Amai Jennifer Savage, nezuro vakati America inoda kuvanduza hukama hwayo neZimbabwe zvisinei kuti ibato ripi rinenge rakunda musarudzo.

Mumashoko avo pakupemberera zuva rekuwana kuzvitonga kwenyika yavo, Amai Savage vakati America inotarisira kuti sarudzo dzinge dzakachena uye vave kutoona mberi zvirango zvehupfumi zvabviswa pave nekudyidzana kwakasimba pakati penyika mbiri idzi.

America yakatemera vamwe vakuru vakuru muZanu PF vainoti ndivo vaibira sarudzo, kutyora kodzero dzevanhu pamwe nekuita zvese zvaitadzisa nyika kuve nehutongi hwejekerere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG