Accessibility links

European Parliament Yobvumirana kuti richakurudzira zvakasimba hurmende dzemu SADC kuti dzimanikidze mutungamiri wenyika, vaMugabe, kuti vatevedzera zviri muchibvumirano che GPA

  • Patience Rusere

Sangano re European parliament rasangana nhasi rikabvumirana kuti richakurudzira zvakasimba hurmende dzemu SADC kuti dzimanikidze mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vatevedzera zviri muchibvumirano che Global Political Agreement, kana kuti GPA . Paramende iyi yazeya nyaya yesadc ichiti haisi kufara nekushungurudzwa kwevanhu muZimbabwe.

Paramende iyi inoti inotambira nemufaro mashoko asachigaro we sadc troika, va rupiya banda, avo vakashoropodza maitiro avamugabe pamusangano we sadc troika wakaitwa muzambia svondo raperavaknya zvakare, ichiti irikufara nemashoko evatungamiri vesadc mazuva mashoma. Imwe nhengo yeeuropean parliament, VaGeoffrey Van Ordern, vanoti panofanirwa kuva nehurongwa hwakajeka hunoita kuti sarudzo dziitwe nenzira dzinotambirwa nepasi rose.

Patience Rusere vestudio 7 aita hurukuro nevanoongorora zvematongerwe enyika, vapromise mkhwananzi, kuti tinzwe mafungiro avo pamusoro pezviri kubva mudare re European parliament.

XS
SM
MD
LG