Accessibility links

Breaking News

EU Yoshora Kusungwa kweVeChidiki veMDC Alliance


Muzvare Joanna Mamombe
Muzvare Joanna Mamombe

Mumiriri weEuropean Union muZimbabwe VaTimo Olkkonen vari kushora zvikuru mutemo wemuZimbabwe wavanoti unotarisa kuti wabuda mumba maani.

VaOlkkonen vakanyora izvi padandemutande ravo reTwitter zvichitevera kusungwa kwenhengo dzeMDC Alliance musangano reYouth Assembly dzinoti mumiriri weHarare West mudare reparamende Muzvare Joanna Mamombe, mutevedzer wasachigaro Muzvare Cecilia Chimbiri uye mutevedzeri wemurongi wemabasa Muzvare Netsai Marova.

Vatatu ava vakasungwa zvekare paHarare Central Police station kwavanoenda mukupera kwemavhiki maviri sezvakatarwa nedare pane dzimwe mhosva dzavari kupomerwa sechimwe chisunga chakaitwa kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Muzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri vakabva vaendeswa kujeri reChikurubi vakamirira kunzwa neMuvhuro kuti vachapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso here kana kuti kwete panyaya yekunzi vakaratidzira munguva yeCovid-19.

Vachuchuchisi vehurumende vari kupikisa kuti vapihwe mukana wekubvisa mari chechibatiso uye hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi ravo panyaya yekuti mapurisa ari kunyanya kusunga vanopikisa chete.

Vatatu ava vane mhosva dzakawanda dzavari kupomerwa kusanganisira yekuti vakanyepera kuti vapambwa uye kutyora mitemo yeCovid-19. Asi vanoti hurumende iri kuda kuyedza kumbunyikidza kodzero dzavo.

Mutauriri wemagweta ari kumiririra vatatu ava eZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vaudza Studio 7 kuti vatatu ava vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neMuvhuro.

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG