Accessibility links

Breaking News

EU Yoshushikana neKushungurudzwa kweVatori veNhau muZimbabwe


EU ambassador to Zimbabwe, Timo Olkkonen
EU ambassador to Zimbabwe, Timo Olkkonen

Sangano reEuropean Union, EU, rinoti harisi kufara nekushungurudzwa kunoitwa vatori venhau muZimbabwe.

Vachitaura pahurongwa hwekucherechedza World Press Freedom Day hwakarongwanesangano reMedia Institute ofSouthern Africa-Zimbabwe kana kuti Misa-Zimbabwe, mumiriri weEU muZimbabwe, VaTimo Olkkonen, vati kunyange hazvo Zimbabwe iri kuvandudza mitemo ine chekuita nekufambiswa kwemashoko, sangano ravo rinoshushikana zvikuru nekusungwa pamwe nekumbunyikidzwa kwevatori venhau munyika.

Vapa muenzaniso wezvakaitika pamutori wenhau ane mukurumbira, Hopewell Chin’ono.

VaOlkkonen vakurudzirawo hurumende kuti irege kudzosera shure hurongwa hwekusimbisa kufambiswa kwemashoko kwakasununguka nekuisa mitemo inokanganisa hutongi hwejekerere yakaita sePatriotic Bill

Asi gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati hurumende iri kushanda zvakasimba kuona kuti mashoko afamba zvakasununguka munyika, vatori venhau vachishanda zvakanaka pasina kumbunyikidzwa.

Asi mashoko aAmai Mutsvangwa anopesana nezviri kuitika munyika.

Nemusi weMugovera, mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Sydney Saize, akasungwa nemapurisa ari pabasa apo madzimai eMDC Alliance aiita musangano wawo kwaMutare.

Mukuru weMisa Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo hurumende iri kuzvirumbidza nekuvandudza mitemo, chokwadi chiripo ndechekuti hurumende ndiyo iri pamberi mukushungurudza vatori venhau munyika.

Zuva reWorld Press Freedom Day rinocherechedzwa musi wa 3 Chivabvu gore rega rega, asi Misa Zimbabwe haina kuita mhemberero idzi musi uyu, izvo zvaita kuti dziitwe mazuva maviri musure mezuva iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG