Accessibility links

Breaking News

EU Inoti Iri Kufara neHurongwa Hwakanangana neKuvandudza Mitemo yeSarudzo


EU Election Observers4

Chikwata cheEuropean Union chakaongorora sarudzo muZimbabwe chinoti chiri kufara nehurongwa hwemutauriri weparamende, Advocate Jacob Mudenda, hwekuumba komiti ichaona nezvekuvandudza mutemo wesarudzo kuitira kuti sarudzo dza2023 dzisaite mutauro zvakare.

Mutevedzeri wemukuru wechikwata ichi, VaMark Stephens, vataura mashoko aya apo vaita musangano nekomiti yeparamende inoona nezvemutemo kana kuti Parliamentary Legal Committee (PLC) muHarare.

Vati nyaya yekusandura mitemo ndeimwe nyaya yavanotaura mugwaro ravo uye vakafara chose apo VaMudenda vakaudza chikwata chavo kuti vari kuronga kuumba imwe komiti yeparamende ichange ichiona nezvekusandura mutemo wesarudzo kuitira kuti sarudzo dza2023 dzisaite mutauro.

Chikwata ichi chakaita musangano naAdvocate Mudenda svondo rapfuura.

VaStephens vatiwo vanofara chose kuti zvimwe zvavanoda kuti zviitwe kuti sarudzo dziitwe zvakajeka, zvakaita sekuvandudza mashandiro evatapi venhau nekuvandudza mutemo kuti uenderane nebumbiro remitemo yenyika.

Vati basa rezvikwata zvakaita sezvavo handi rekushoropodza hurumende, asi kukurudzira kuti iite zvinhu zvinoita kuti sarudzo dzisapikiswe uye kuti dzifadze vese vane chekuita nesarudzo munyika.

Vati zviri pachena kuti vese vakapinda musarudzo dzegore rino vanobvumirana kuti pane zvinoda kugadziriswa uye zvizhinji zvacho zviri mugwaro ravo.

VaStephens vati paramende ine basa guru mukusandura mutemo uye vakurudzira nhengo dzePLC kuti dziverenge gwaro ravo uye kuti dzishandise zvirimo mukugadzirisa mitemo yesarudzo muZimbabwe.

Sachigaro wePLC, VaJonathan Samukange, vatiwo zvingave zvakanaka chose kana pakaumbwa komiti yeparamende inoona nezvekugadzirisa mutemo wesarudzo.

Vatiwo zvakakosha kudzidza kubva kuzvikwatwa zvakaita seEuropean Union mukugadzirisa mafambisirwo esarudzo munyika.

European Union ndeimwe yezvikwata zvakawanda zvakabva pasi rose kuzoongorora sarudzo.

European Union inoti Zimbabwe Electoral Commission inofanira kushanda zvakajeka, kunyoreswa kwevavhoti kunofanira kuitwa zvakajeka, uyewo mapato ese anopinda musarudzo anofanira kupihwa mikana yakaenzana munhepfenyuro nemapapenhau ehurumende.

Chikwata che European Union chiri kubuda munyika mangwana mushure mekupedza basa muZimbabwe pamwe nekupa gwaro rezvachakawana pamusoro pesarudzo kuhurumende,mapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG