Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mubaiwa Vanopihwa Mukana Wekuti Vatongwe Vachibva Kumba


Marry Chiwenga, center, arrives at Harare Magistrate Court, in Harare, Zimbabwe, Dec. 16, 2019. (Columbus Mavhunga/VOA)
Marry Chiwenga, center, arrives at Harare Magistrate Court, in Harare, Zimbabwe, Dec. 16, 2019. (Columbus Mavhunga/VOA)

Dare repamusoro rapa mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, uyo wavari kurambana naye, Muzvare Marry Mubaiwa, mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupoperwa yekurova mushandi wavo.

Vachisvitsa chikumbiro chekuti Muzvare Mubaiwa vatongwe vachibva kumba pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vakarova mushandi wavo anoita basa rekuchengeta vana vavo, gweta raMuzvare Mubaiwa, Amai Beatrice Mtetwa, vati mutongo wedare ramejasitiriti wekunyima Muzvare Mubaiwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa, unofanira kusendekwa parutivi.

Amai Mtetwa vati hapana humbowo hwakasvitswa kudare hunoratidza kuti Muzvare Mubaiwa munhu anogara achipara mhosva dzakadai zvakazopa mutongi wedare ramejasitiriti avati vanogara vachipara mhosva dzakadai.

Asi gweta ranga rakamirira hurumende panyaya iyi, VaMichael Reza, vati Muzvare Mubaiwa munhu ari kupomerwa zvakare mhosva yekuda kuuraya VaChiwenga pavairwara vari muchipatara chekuSouth Africa gore rapera saka nokudaro vati kurova kwavanoti vakaita mushandi wavo, Muzvare Delight Munyoro, kunoratidza kuti munhu anoda zvemhirizhonga.

Amai Mtetwa vati hazvaikwanisika kuti Muzvare Mubaiwa varove Muzvare Munyoro mbama sezviri kutaurwa nehurumende sezvo vakakuvara maoko kubudikidza nekuputika kwakaita bhambu kuWhite City Stadium pamusangano waiitwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevatsigiri vavo muna 2018.

Zvataurwa naVaReza zvapikiswa naAmai Mtetwa avo vati hapana humbowo hwekuti Muzvare Mubaiwa vakapara mhosva yekuda kuuraya murume wavo sezvo nyaya iyi isati yatongwa vakabatwa nemhosva.

Mutongi wedare, Amai Erica Ndewere, vatura mutongo wekuti mutongo wedare ramejasitiriti uyu usendekwe parutivi vachiti Muzvare Mubaiwa havanganzi vagare mujeri sezvo vasina kubatwa nemhosva yekuuraya murume wavo iyo yavakatopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Amai Ndewere vati Muzvare Mubaiwa vabhadhare madhora chiuru nemazana mashanu ari maRTGS semari yechibatiso uye kuti vazvipire kumapurisa epaBorrowdale kamwechete pamavhiki maviri uri musi weChishanu, kuti vagare pa64 Folly Johns Crescent ku GlenLorne uye kuti vasavhiringidzane nevafakazi panyaya iyi.

Mutungamiri weTajamuka, VaPromise Mkhwananzi, vati mutongo wakanaka waturwa nedare asi vanoti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa Muzvare Mubaiwa naVaChiwenga.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu uye vachishanda nesangano reZimbabwe Activists Alliance, Muzvare Lynette Mudehwe, vati kunetsana kuri kuita VaChiwenga naMuzvare Mubaiwa hakufanire kushungurudza vana.

Mapepa ari pamberi pedare anoti Muzvare Mubaiwa vakarova Muzvare Munyoro musi wa28 Ndira pachikoro cheHellenics muHarare pavaida kutora vana vavo asi Muzvare Munyoro vakarambira navo.

Izvi zvakaitika mushure mekunge dare repamusoro rainge rapa Muzvare Mubaiwa mvumo yekugara nevana vavo zvichitevera kurambana kwavari kuita naVaChiwenga izvo zvakazokonzera kuti VaChiwenga vapikise mutongo uyu kudare reSupreme Court.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, muzvinabizhimusi ane mukurumbira, VaGenius Kadungure, avo vanozivakanwa nezita rekunzi “Ginimbi”, vanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vakapinza munyika motokari yavo yemhando yepamusorosoro gore rapera zvechikiribidi mushure mekudzikisa mutengo wemotokari iyi.

Mapepa ari pamberi pedare anoratidza kuti VaKadungure vakadzisikisa kukosha kwemotokari yavo pavakasvika pamuganhu wenyika kuBeitbridge kubva pamamiriyoni matatu nezviuru mazana zvemaRands kusvika pamiriyoni imwe chete nezviuru mazana mapfumbamwe.

Vachuchisi venyaya iyi vanoti VaKadungure havana kutaura mari yechokwadi pavakapinza motokari yavo yemhando yeBentley yavakatenga kuSouth Africa.

Hurumende inoti VaKadungure vakabhara mari inoita zviuru makumi masere nechimwechete zvemadhora ekuAmerica kuti motokari yavo ipinde munyika zvakaita kuti hurumende irasikirwe nemari inodarika zviuru makumi mashanu nezvisere zvemadhora ekuAmerica.

VaKadungure vanzi vadzoke kudare musi wa 20 Kukadzi uye gweta raVaKadungure, VaJonathan Samukane, vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG