Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yapeta chikamu chekutanga chekunyoresa kuvhota munyika asi vakawanda munzvimbo idzi vasina ruzivo rwekuti vanogona kunonyoresa panzvimbo dzeZEC dzematunhu kusvika zvikamu zvose zvina zvapera.
Kunyange hazvo ZEC yapeta chikamu chekutanga chekunyoresa kuvhota, vagari vari munzvimbo dzanga dzichinyoreswa kuvhota vanogona kunonyoresa kumahofisi e ZEC ematunhu madiki.
Chikamu chechipiri chiri kutanga musi weSvondo 29 Gumiguru uye chichapedza mazuva gumi nematanhatu kusvika musiwa 13 Mbudzi.
Nzvimbo dzekunyoresa kuvhota muKaroi dzanga dziine vanhu vakawanda vanga vachinyoresa kudarika mamwe mazuva apo vashandi vanonyoresa vaiswera vakagara pasina vanhu vaiuya kuzonyoresa.
Mumwe mugari wemumusha weChaedza muKaroi, VaShepherd Ziki, vanoti vanga vasingazive musi unopera chirongwa chekutanga kunyoresa kuvhota.
VaZiki vanoti havazive kuti kunyoresa kuvhota kunoramba kuchienderera mberi.
Mumwe mugari wemuChikangwe, VaBigboy Haurovi, vanoti vanhu vakawanda havasi kuziva kuti kunyoresa kuvhota kuri kuenderera mberi nekuti hapana dzidziso yakapihwa vanhu nevashandi veZEC.
VaHaurovi vanoti vagari vakawanda vabuda kunonyoresa kuvhota kudarika mamwe mazuva zvichitevera mashoko ekuti chasvika kwamvura yacheka makumbo munzvimbo dzavanogara.
Nhengo yeMDC-T inowona nezvesarudzo mudunhu reMashonaland West, VaKudakwashe Chigumo, vanoti ZEC inofanirwa kudzidza pane zvakaitika pachikamu chekutanga kuti vanhu vanofanirwa kudzidziswa nezvechirongwa chekunyoresa kuvhota nguva ichiripo zvikuru kuti vakurumidze kunyoresa.
VaChigumo vanoti vanhu vane dambudziko rekuzoita zvinhu nguva yapera vave kuita zvekumhanya mhanya izvo zvinoita kuti vasauye nemapepa akakwana.
VaChigumo vanotarisira kuti chikamu chechipiri chichange chine matambudziko mashoma sezvo ZEC yakadzidza pavaikanganisa muchikamu chekutanga.
ZEC yakaparura chirongwa chekunyoresa kuvhota paine zvipingamupinyi zvakawanda zvinosanganisira kushaikwa kwemapepa anodikanwa pakunyoresa, kusashanda kwemichina yechizvinozvino yavari kushandisa pamwe nekushaya zvekufambisa kuenda panzvimbo dzavaishandira.
ZEC ichapedza chirongwa chekunyoresa ichipinda muvanhu musi wa19 Zvita, asi kunyoresa kucharamba kuchienderera mberi munzvimbo dzakatarwa dzemahofisi makumi matanhatu nematatu nyika yose.
Facebook Forum