Accessibility links

Breaking News

EMA Inoti Vamwe Vari Kuitira Mabhizimisi paDzimba Voisa Hupenyu hweVamwe Munjodzi


Sangano rinoona nezvenharaunda reEnvironmental Management Agency kana kuti EMA rinoti ririkushungurudzika nemabhizimusi ari kuitirwa mumisha inogara vazhinji apo vanhu vanenge vachitsvaka raramo.

Mumwe mugari wekuChitungwiza asina kuda kudomwa nezita pamhepo anorarama nekugadzira mishonga yekuchenesa zvimbuzi nesipo yemvura anoti akatanga zvekugadzira mishonga iyi kuti awane chouviri mushure mekuita makore maviri achishaya basa apedza zvidzidzo zvekuunivhesiti. Mudzimai wechidiki uyu anoti

Mudzimai uyu abvuma kuti haana ruzivo rwakanyanya nezvemishonga yaanoshandisa mukuita mabasa ake kuti zvine njodzi here kunharaunda.

Asi mukuru anoona nezvekuongorora mishona kana kuti labaratory muEMA, Amai Silvia Yomisi vanoti sangano ravo ririkushushikana zvikuru nekushandiswa kwedzimba kuti dzive maindasitiri. Amai Yomisi vanoti kune nzvimbo dzakatarwa kuti dziitirwe zvemabhizimusi nekuda kwezvikonzero nekudaro varikushanda vakabatana nekanzuru yeHarare kuderedza dambudziko iri.

Amai Yomisi vanotiwo izvi zvine njodzi huru sezvo zvichikanganisa hutano hweveruzhinji pamwe nekupararira kwezvirwere.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wekanzuru yeHarare, VaInnocent Ruwende vaudza Studio 7 kuti sekanzuru havakurudziri kuti vanhu vaite mabhizimusi mudzimba sezvo zvichikanganisa hutano hwevanhu vemunharaunda iyoyo. VaRuwende vanoti nekuda kwekuti havangazivi zvinoitika mudzimba dzevanhu vanotomirira kuzviviswa nevamwe vagari vozotora matanho.

Dzimwe nyanzvi munezvehutano dzinoti nekuda kwemishonga inoshandiswa mumabasa akasiyana siyana, vanhu vanoitira mabhizimusi avo mudzimba vanokanganisa nharaunda pamwe nehutano.

Asiwo vamwe vataura neStudio 7 vatsigirawo kuti sezvo mabhizimusi awa ari madiki veruzhinji vari kutsvaka raramo havakwanisi kuenda kunzvimbo dzakatarwa kuti dzive dzemabhizimusi kana kuti Industrial area vachiti mabhizimusi madiki aya anenge asina mari yekubhadhara nzvimbo dzekushandira kanawo mari yekufambisa zuva nezuva kuti vaende kunzvimbo idzi.

Nekuda kwekuondomoka kwehupfumi hwenyika nekuvharwa kwemaindasitiri vanhu vazhinji munyika vorarama nekuzviitira mabasa emaoko.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG