Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweMagetsi Kwoita Kuti Veruzhinji Vatambure


Kushaikwa kwemagetsi akakwana munyika kwave kuita kuti veruzhinji mumadhorobha vashandise mhando dzemoto dzisingabvumidzwe dzakaita sehuni sezvo vasingakwanise kushandisa dzimwe mhando dzakaita semagetsi ezuva, kana kuti Solar power pamwe nemajenareta sezvo peturu nedhiziri zviri kushaikwa uye mitengo yazvo yakwira zvakanyanya.

Munguva yapfuura paishaikwa kana kuenda magetsi vanhu vashandisa majenareta pamwe nemagetsi ezuva kuonesa, kubikisa kana kuita mamwe mabasa, asi pari zvino havachakwanisa kuita izvi nekuda kwekukwira kwemitengo yezvinhu zvakaita semafuta ekushandisa mumajenareta.

Mumwe mugari wemuHarare, VaOswald Gumbo, avo vanoshandira kumba kwavo, vaudza Studio 7 kuti vave kutadza kuita basa ravo nekuti havana dzimwe mhando dzemoto dzese dzave kudhura.

Amai Elsie Sibanda vaudza Studio 7 kuti kunze kwemagetsi havana imwe mhando yemoto yavanokwanisa kuwana kunze kwehuni.

VaGumbo vanotiwo huni ndicho chinhu chega chasara chavanoshandisa chine mutengo wavanokwanisa kubhadhara.

Kana vana vechikoro vanotiwo vave kuvhiringidzika pazvidzidzo zvavo nekuda kwekuenda kwemagetsi.

Mudzidzi wepane chimwe chikoro muHarare uyo asina kuda kudomwa nezita rake audza Studio 7 vave kutadza kuita zvidzidzo zveScience pamwe nekushandisa maComputers.

Pakubika vanhu vanokwanisa kushandisa gasi asi mutengo waro wakakwirawo zvakanyaya zvichitevera kukwirwa kwepeturu nedhiziri.

Kirogiramu imwe yegasi yave kutengwa nemaRTGS dollars manomwe kana kudarika.

Mutengo weparafini wakakwirawo zvakanyanya sezvo makoronyera aitenga parafini achisanganisa nedhiziri kuti awane mari yakawanda.

Asi kunyange hazvo paine dambudziko remagetsi iri, kambani yehurumende inoona nezvekuchegetedzwa kwemiti, yeForestry Commission, inoti inotarisira kuti pachave nekutemwa kwemiti nekutengeswa kwemhuni zviri kunze kwemutemo nekuda kwekushaikwa kwemagetsi munyika.

Mutauriri weForestry Commission, Muzvare Violet Makoto, vati vachashanda zvakaomarara kuona kuti izvi hazviitike.

Mutauriri wekambani inogaya magetsi yeZESA, VaFullard Gwasira, vanoti chirongwa chekugova magetsi kana kuti, load shedding, chiri kuitwa nekuti mvura yave shoma kugwenya remagetsi reKariba.

Vanoti vaifanira kuwana 1050 mega watts pazuva kubva kugwenya iri, asi pari zvino vari kuwana 350 megawatts chete.

VaGwasira vanoti kambani yavo iri kutora mamwe matanho kuti vawane magetsi anokwanira nyika uye matanho aya anosanganisira kubhadhara chikwereti chemagetsi aya akashandiswa kubva kunyika dzakatikomberedza.

Pane mari inodarika mamiroyoni makumi masere emadhora ekuAmerica asati abhadharwa kukambani yemu South Africa, ye Eskom ne HCB yekuMozambique.

Asi VaGwasira vanoti chakakosha pari zvino kushandisa magetsi zvine mwero.

Panyaya yekuti pane vamwe vari kuchema chema kuti pane dzimwe nzvimbo dzisiri kudzimwa magetsi, VaGwasira vabvuma kuti izvi zvinoitika nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana.

Vati semuenzaniso zvipatara, nhandare dzendege, nzvimbo dzine zvigayo zvemvura pamwe nema border posts haadzimwe magetsi uye vaya vanogara munzvimbo dzine tambo dzemagetsi dzinoenda kunzvimbo idzi, vanoowana magetsi nguva dzese.

ZESA yakapedzesera kugova magetsi makore mana apfuura.

Senzira yekupedza dambudziko remagetsi, hurumende inoti yakapa makambani makumim matatu nemana kuti atange hurongwa hwemagetsi anobva kuzuva izvo zvichaita kuti vanoshaya vakwanisewo kuwana magetsi aya nyore.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG