Accessibility links

Breaking News

Nyaya yaVaKonjana Yoramba Ichingotenderera Iri muElectoral Court


Constitutional Court Justice Chigumba Zimbabwe Elections

Dare re Electoral Court ratadza zvakare kubuda nechisungo panyaya yakakwidzwa mudare iri nengo ye MDC Alliance yakakwikwidza musarudzo yemumiriri we Chegutu West, VaGift Konjana.

VaKonjana vakaendesa nyaya yavo kudare iri mushure mekunge Zimbabwe Electoral Commission, Zec yabvuma kuti yakanga yakanganisa payakaburitsa mashoko ekuti nhengo yeZanu PF, Va Dexter Nduna, ndivo vakanga vakunda.

VaKonjana vakakunda VaNduna nemavhoti gumi nematanhatu chete.

Mushure mekugadziriswa kwezvakabuda musarudzo yeChegutu West neZec, zvinonzi zvakazobuda pachena kuti komisheni inoona nezvesarudzo hayaikwanisa kuchinja zvayakanga yaburitsa, sezvo izvi zvichiitwa chete nedare re Electoral Court, izvo zvakaita kuti VaKonjana vaendese nyaya iyi kumatare anotonga nyaya dzesarudzo.

Studio7 yatadza kubata magweta aVaNduna kuti tinzwewo divi ravo.

Nyaya yaVaKonjana yakapinda mudare svondo rapera zvakare asi haina kuzofambiswa sezvainge zvakatarisirwa.

VaNduna vakatotoreswa mhiko muparamende semumiriri weChegutu West akasarudzwa zviri pamutemo.

VaKonjana vanoti vari kunetsekana zvikuru nemafambisirwo ariu kuitwa nyaya yavo mudare sezvo humbowo huripo hunoratidza kuti ndivo vakakunda musarudzo iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG