Accessibility links

Breaking News

Nhengo Sere dzeMarondera Residents Association Dzinosungwa neMapurisa


Police monitoring situation in Harare during Zimbabwe three-day protests, Jan. 2019.
Police monitoring situation in Harare during Zimbabwe three-day protests, Jan. 2019.

Nhengo sere dzesangano re Marondera Residents Association dzasungwa neMugovera nemapurisa dzichipomerwa mhosva yekupamba nzvimbo dziri mu Hunyani Timberland, iyo iri pasi pekanzuru yeMarondera.

Vamwe vari kuziva zviri kuitika vanoti vamwe vevasungwa ava inhengo dzeMDC.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati vanga vasati vanzwa nezvekusungwa kwevanhu ava.

Asi meya weMarondera, VaChengetai Murova, vabvuma kuti ichokwadi kuti pane vanhu vasungwa, asi vakati vanhu vasungwa ava havasi nhengo dzeMDC.

VaMurova vati bato ravo rinoremekedza mitemo, uye nhengo dzavo hadziite zvinhu zvinotyora mitemo yenyika.

Asi vabvuma havo kuti dambudziko rekupamba nzvimbo iri harina kutanga nhasi sezvo riri dambudziko ravari kurwisa sameya weMarondera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG