Accessibility links

Breaking News

EU Inoti Zimbabwe Inofanira Kuramba Iri mu Kimberly Process


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe

Sangano renyika dzemubatanidzwa mu European Union, kana kuti EU, rinoti harisi kukurudzira kumiswa kweZimbabwe kubva mu Kimberly Process iyo inoongorora kucherwa pamwe nekutengeswa kwemangonda pasi rose.

Izvi zvinonzi zvakabuditswa pachena nenhumwa dzeEU dzakapinda musangano ku Pretoria mu South Africa mukupera kwesvondo. Mussngano uyu wakapindwawo nemasangano akazvimirira, pamwe nenyika dzinosanganisira Zimbabwe neSouth Africa.

Mumiriri we EU muZimbabwe, VaXavier Marchal, nevamwe vavo, vakapinda mumusangano uyu, uyo waitaura pamusoro pekushanduka kuri kuita zvinhu mu Zimbabwe, zviri kuitika munyaya yemangoda nekucherwa kwavo kwaMarange.

VaFarai Maguwu ndivo mutungamiri weCentre for Research and Development. VaMaguwu vakapindawo mumusangano uyu, uye vanoti pfungwa dzevakapinda musangano uyu dzainge dzakasiyana panyaya yekuti zvinhu zvofambiswa mberi sei muZimbabwe.

XS
SM
MD
LG