Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Mhuri Dzowana Raramo neKugadzira Zvinodzivirira Covid-19


Panguva apo vakawanda vari kusiya mabasa vamwe vachienda kumamisha nekuda kwekuvhingidzwa nechirwere cheCOVID-19, dzimwe mhuri dziri kuwana raramo yakanaka nekugadzira mamasiki ayo dzinotengesa.

Mumwe mugari wekuSunningdale muHarare, Baba Edson Masoramuvari kugadzira pamwe chete nemudzimai wavo mamasiki avari kutengesera kumakambani pamwe neveruzhinji.

Baba Musora, avo vane makore makumi matanhatu nemasere ekuberekwa, vanoti kosi yavakaita yekusona yakavavhurira mukana pakatanga kuvharirwa vanhu mudzimba nekuda kwechirwere cheCOVID-19.

Lockdown yauya hatina kusvika pakuitwa lockdown nepfungwa zvese. Takatanga kugadzira ma washable masks taona kuti acho ari kugadzira ari kutengeswa achingoraswa mubhini.

VaMasora, avo vane vana vanomwe vanoti bhizimusi ravo riri kufamba zvakanaka nekuda kwemamasiki avo anomhanyirwa neveruzhinji nekuda kwemagadziro akanaka avanoaita pamwe nemutengo wakachipa.

Takawana contract yema 100 masks ku Joiner City. Nzira dzekuti zvinhu zvedu zvimhanye ndezvekutsvaga ma orders kubva kuma kambani. Ndizvo zvinoita kuti zvinhu zvedu zvifambe.

Mudzimai wavo, Amai Jennifer Masora, vanoti dambudziko ravari kuona nderekuti mamasiki ane ngozi pahutano hwevanhu vane huchapa uye vachifarira akagadzirwa nemicheka ine mavara matema.

Ma mask akanaka anotidzivirira COVID asi dambudziko randiri kuona pane vakawanda nderekuti havasati vakuita hutsanana. Unonyatsotarisa oona kuti mask iyi yaane mazuva haizivi kuwachwa. Ndiro dambudziko randiri kuona.

Amai Masora vanoti kushingairira pane zvavari kuita kwayambutsa vakawanda.

Iye zvino murairidzi chaiye ndinotomukunda kuita mari, kunyanya iyo nguva ino yakaoma kudai. Vese vari mumahofisi ndinovakunda kurarama. Handiende mu queue ku bhanga kunotora mari. Munhu anouya nejira rake ndomusonera, oenda ku bank ouya ondipa mari.

Mumwe mudzimai ari kurarama nekutengesa mamaisiki, Amai Naomi Chinhaire, vanoti zvekuzarirwa mumba ne lockdown zvakavapa mazano avakanga vasingambofungiri.

Ndinoshandisa ma tailors ekumakambani mahombe vanondipa pfungwa dzekugadzira zvinhu zvakakodzera zvekuti kana uri kunze uku zvinhu zvako zvinotengwa zvakanaka. Ndinoshandisa pattern nyowani yekuti munhu anotenga asingagunun’une.

Amai Chinhaire vanoti mhuri yavo yatove neraramo inodarika yavaive nayo kutanga kwegore rino.

Handidi kunyepa, zvinhu zvangu zviri kufamba. Dzimwe nguva ndinobuda mumba kuma seven kuseni ndoenda pandinongomira. Panguva diki diki zvinhu zvangu zvinenge zvapera. Pamwe ndinobuda ndine ma masks anosvika 50 asi ndinodzoka ese apera.

VaTitus Doyce vanofarira zvigadzirwa zvemamasiki Amai Chinhaire.

Ma mask aya tinoada nekuti unonyatsofema zvakanaka, uye kana uri pane vanhu vanenge vachingokubvunza kuti wakaiwana kupi. Kana wakaburitsa mari unofanira kugutsikana nechinhu chaunenge watenga.

Pasi pemutemo weZimbabwe munhu wese anofanira kufamba akapfeka masiki kumeso kwake kana ari pane veruzhinji, senzira yekuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19.

Sangano rehutano pasi rese reWorld Health Organisation rinoti mamasiki chinhu chinofanira kugara chakashambidzika uye haifaniri kuchinjanwa.

Nyaya Ina Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG