Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yotamba NeHighlanders MuFinal YeIndependence Trophy


Chikwata cheDynamos chakunda chikwata cheGunners 4-3 pamutambo wemasemi-finals emukombe weIndependence Trophy watambwa kunhandare yeRufaro nhasi masikati.

Mumitambo yenhabvu yemasemi-finals emukombe we Independence Day Trophy atambwa nhasi masikati chikwata che Dynamos chakunda chikwata che Gunners 4-3 mumutambo watambirwa kunhandare yeRufaro.

Mune mumwe mutambo watambirwa kuBulawayo chikwata cheHighlanders chakunda chikwata che Bantu Rovers 2-0 pamutambo watambirwa kunhandare yeBarbourfields.

Zvikwata zve Dynamos ne Highlanders ndizvo zvichatamba pamafinals nemukombe uyu pakurera kwevhiki.

Mune mumwe mutambo sangano reProgressive Teachers Union (PTUZ) rinoti riri kutarisira zvikwata zvevadzisisi zvinobva kuNamibia, Botswana, South Africa, Zambia neLesotho kunge zviri pamakwikwi emitambo yakasiyana siyana ye Association Of Non Aligned Teachers Union Of Southern Africa, kana kuti ANTUSA.

Makwikwi aya achaitirwa kuBelverdere Teachers college kutanga neMugovera neSvondo.

Zvikwata zvekunze zviri kutarisirwa kusvika munyika neChishanu.

Va Oswald Madziwa ndivo national co-ordinator ve PTUZ uye vanoti sangano ravo ragadzirira zvakakwana kuti makwikwi aya aenderere mberi zvakanaka.

XS
SM
MD
LG