Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yotarisira Kuna Chigova Kuita Mashiripiti


Dynamos
Dynamos

Chikwata cheDynamos chiri kutanga hupenyu hutsva chisina murairidzi wacho wemakore maviri, Lloyd Mutasa, asi chakatarisana negomo risina materu.

Vateveri veDynamos vari kubvuma kuti panguva ino vanga vasingade kusangana neFC Platinum iyo iri kurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League, asi semarongerwo akaitwa mitambo, mutambo uyu unofanira kuenderera mberi.

Zvikwata izvi zviri kusangana muMandava Stadium mangwana, FC Platinum iri pamusoro petafura yakatungamira Ngezi nemapoinzi maviri, panguva iyo Dembare iri muhondo huru yekurwisa kuramba iri muPSL.

Zvikwata izvi zviri kupinda munhandare zvekare FC Platinum iine murairidzi wavo wenguva refu, Norman Mapeza, apo Dynamos iine Lloyd Chigova uyo ane mazuva matatu chete achangopihwa basa kwadzingwa Mutasa.

Mamiriro akaita zvinhu ari kuratidza kuti Kugona Kunenge Kudada iri kutanga iri pamusoro sezvo iri pamusha uyezve iri kuratidza kuti mumba mayo mune runyararo pane meDynamos.

Mushure mekurohwa 3-1 neTriangle pakati pesvondo, uyezve nekuona hutungamiri hwayo iri pamusoro uchidumburwa kusvika pama poinzi maviri, Kugona Kunenge Kudada haisi kuzoita tsitsi neDembare.

Asi muteveri weDembare, VaWashington Zhuwakinyu, vayambira Kugona Kunenge Kudada.

FC Platinum iri kuziva kuti ikatsvedza neDembare, Ngezi Platinum Stars ikarova Bulawayo City mangwana zvekare, inobva yasara nepoindi imwe chete.

Muteveri weNgezi, VaSolomon Mushangwe, vanoti havasi kutarisira kudonhedza mapoinzi panguva ino.

Asi mutambo uri kunyanya kutaurwa nezvawo nemhuri yenhabvu ndeuyo urimuNational Sports Stadium neSvondo apo Highlanders iri kushanyira Caps United.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi…

Mugovera:

Black Rhinos v Triangle United

Harare City v Chicken Inn

Svondo:

Chapungu v Shabanie Mine

Herentals v Mutare City Rovers

Bulawayo Chiefs v Nichrut

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG