Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yoitika kuChitungwiza


Amai Audrey Taruona Kaliyati
Amai Audrey Taruona Kaliyati

Vanhu vanofungidzirwa kuti vatsigiri ve Zanu-PF vakapotsa vauraya imwe mhuri mushure mekukanda chombo chinoputika pamba pemhuri iyi nemusi weSvondo masikati.

Munyori anoona nezvekuronga misangano mu MDC-T kuChitungwiza South, VaDelma Amos Kaliyati, vanoti mudzimai wayo akakuvara zvakanyanya muchiitiko ichi.

Amai Kaliyati vakakuvadzwa panguva iyo murume wavo aifamba achipa vanhu mapepa anoratidza pavanogara kuti asainwe nemagweta kuitira kuti vakwanise kunyoresa kuvhota.

VaKaliyati vanoti vanhu vavaifamba navo vakarwiswawo nevatsigiri veZanu-PF uye vanoti vakanzwa nezvekukuvara kwemudzimai wavo apo vakange vari mubishi rekuedza kubudisa muchitokisi mumwe wavo akange arohwa neve Zanu-PF, asi akapedzisira ari iye asungwa.

Studio7 yakaita hurukuro naVaKaliyati asi haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa, kanawo reZanu-PF.

10-17-2017 VIOLENCE WHANDE
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG