Accessibility links

Breaking News

VaDabengwa Vashayikira muNairobi kuKenya Vari Munzira Kudzokera Kumusha


Dumiso Dabengwa1
Dumiso Dabengwa1

Mutungamiri weZAPU, uye vari mumwe wevarwiri vehondo yerusununguko vane mukurumbira munyika, VaDumiso Dabengwa, vashaya.

Mumashoko avataura pamusangano wavaita nevatapi venhau muBulawayo masikati, sachigaro webato reZAPU, VaIsaac Mabuka, vati VaDabengwa vashaya nhasi mangwanani muNairobi guta guru reKenya vari munzira yekubva kuIndia uko vange vachirapwa.

VaDabengwa vange vave nemavhiki ane chitsama vachirapwa vari kuIndia.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatumira mashoko pa Twitter ekushaya kwaVaDabengwa.

VaMnangagwa vati vairemekedza zvikuru VaDabengwa pamwe nekurwira kwavakaita rusununguko rwenyika. Vatiwo VaDabengwa munhu akashanda kwenguva yakareba vari gurukota rezvemukati menyika.

VaMnangagwa vatumira paTwitter mashoko ekurwadzikana kwavo kumhuri neshamwa dzaVaDabengwa.

Vachipindura mubvunzo wekuti pane rubatsiro rwange ruchipiwa VaDabengwa here nehurumende, munyori mukuru webato reZAPU, VaStrike Mkandla, vati sebato havazive hurongwa hunogona kuve hwakaitwa pakati pemhuri yaVaDabengwa nehurumende.

Vatiwo ivo sebato havangade kutaura nehurumende kuti VaDabengwa vapiwe ruremekedzo rwegamba renyika vagovigwa kuNational Heroes Acre, vachiti VaDabengwa vaigara vachitaura kune dzimwe nhengo dzebato reZAPU kuti havadi kuzovigwa ikoko.

Mumwe wevaive vakuru vakuru muZIPRA, VaAndrew Ndlovu, vaudza Studio7 kuti nyika yarasikirwa zvikuru vachiti VaDabengwa ndemumwe wevanhu vakapa gwara kuvanhu vakawanda panyaya yehondo yerusununguko.

VaNdlovu vatiwo VaDabengwa muenzaniso mukuru wemunhu aive nemutsa vachiti vakashungurudzwa zvikuru nehurumende panguva iyo nyika yakawana kuzvitonga,VaRobert Mugabe vari panyanga, asi havana kuve nemweya wekuda kutsiva kushungurudzwa uku.

VaDabengwa vakasungwa pamwe nemushakabvu Lookout Masuku muna 1982 vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende. Kunyange hazvo vaive vawanikwa vasina mhosva, vakaramba vari muhusungwa vachishungurudzwa kusvika vazobudiswa mushure memakore mana.

Mushure mechibvumirano chekubatana chakaitwa pakati pePF Zapu neZanu PF muna 1987, VaDabengwa nevamwe vavo vari pasi pamuchakabvu Joshua Nkomo, vakabatana naVaMugabe nebato ravo pakaitwa kongiresi muna 1988 vose vari pasi peZanu PF.

VaDabengwa vakaramba vari muhurumende vari gurukota rezvemukati menyika kudzimara pavakazokundwa musarudzo dzevamiriri veparamende namuchakabvu Gibson Sibanda muna Chikunguru 2000.

Zvichitevera kukundwa uku, VaDabengwa havana kupihwa chigaro chegurukota naVaMugabe.

VaDabengwa nevamwe vavo vakabva ku PF Zapu, vakazobuda muZanu PF muna 2009 vakanomutsurudza bato reZAPU vachiti vaisawirirana nezvaiitwa naVaMugabe mushure mekushaya kwaVaNkomo.

Muna 2008 VaDabengwa vakabuda pachena vachiri kuZanu PF kuti vaitsigira VaSimba Makoni musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa muna 2008, iyo yakaona VaMugabe vachikundwa namuchakabvu Morgan Tsvangirai.

Asi sarudzo yemutungamiri wenyika yakazodzokororwa sezvo VaTsvangirai vasina kukunda zvine mutsindo zvinotambirwa nebumbiro remitemo yenyika.

VaDabengwa, avo vaizivikanwa nezita rekuti The Black Russian, vakadzidza zvehusori kuRussia uko vakashanda nesangano revasori reKGB.

VaDabengwa, avo vanga vava nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe, vasiya mudzimai, Zodwa, vana pamwe nevazukuru.

Hurongwa hwekuvigwa kwavo hausati hwaziviswa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG