Accessibility links

Breaking News

Kushandisa Zvinodhaka Kwovhiringa Hupenyu hweVechidiki


Youth in Mvurwi Town Campaign against drugs and alcohol and substance abuse
Youth in Mvurwi Town Campaign against drugs and alcohol and substance abuse

Vechidiki vakawanda vanoti vave kutora zvinodhaka senzira yekumbozorodza pfungwa dzavo sezvo vasina mabasa ekuswera vachiita.

Asi nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti hurumende inofanirwa kutora matanho akasimba ekurwisa dambudziko iri kuti risaenderere mberi.

Vechidiki vanoti kuoma kwehupenyu pamwe nekushaikwa kwemabasa ndiko kuri kupa vashandise zvinodhaka vachiitira kukanganwa nhamo dzavo.

Mumwe mukoma wechidiki ane makore makumi maviri asina kuda kudomwa nezita rake anoti kuswera asina chekubata pamwe nenhamo yekushaya zvekudya, ndizvo zviri kupa kuti atsvake zvinodhaka.

Mukomana uyu anoti kana adhakwa anokanganwa nhamo dzake kunyange hazvo zviri zvenguva pfupi.

Izvi zvinotsigirwa nevamwe vechidiki vanoti kuondomoka kwehupfumi kwavasiya vasina chekubata kunyange hazvo vamwe vavo vakaenda kuchikoro.

Rimwe Sangano rakazvimiririra, iro riri kushanda nezvechidiki kuti vashandise zvinodhaka,reUnite Purpose Care and Rehabilitation Group, U-P-C-G, rinoti huwandu huri kuramba huchikwira hwevechidiki vari kushandisa zvinodhaka, kunyanya kumisha inogara veruzhinji muguta reHarare, ndozvakapa kuti paumbe sangano iri.

Mukuru weUPCG ine mahofisi ayo kuBudiriro, Muzvare Persistance Taurai, vanoti vechidiki vazhinji vavanoshanda navo vanoti hurombo ndihwo hunovasunda kuti vashandise zvinodhaka.

Muzvare Taurai vanoti vari kubatsira vechidiki ava nekuvadzidzisa kuchengeta varwere, kuchengeta tsuro nehuku pamwe nekugeza dzimotokari kuti vawane zvekuita.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvirwere zvepfungwa, VaProsper Mandaza, vanoti zvakakosha kuti nyika irwise kushandiswa kwezvinodhaka senzira yekudzikisa zvirwere zvepfungwa.

VaMandaza vanoti nyaya yekushandiswa kwezvinodhaka injodzi huru nekudaro hurumende ingadai yatanga kurwisa nyaya dambudziko iri nesimba sezvayakaita mukurwisa HIV/AIDS.

VaMandaza vanoti izvi zvikasaitwa nekukurumidza nyika inenge yapinda murufuse.

Mumwe mukoti, VaPatrick Chimonyo, vanoti vanotengesa zvinodhaka vanofanirwa kuudza veruzhinji chokwadi kuti zvinokanganisa hutano hwavo kuitira kuti vanotenga vatenge vachiziva.

Muna Kukadzi, hurumende yakati iri kutora matanho ekurwisa kushandiswa kwezvinodhaka.

Vachitaura pane mumwe musangano waikurudzira vechidiki kuti vasatore zvinodhaka, mutevedzeri wemukuru anoona nezvezvirwere zvepfungwa, Doctor Chido Rwafa, vakati dambudziko iri rinofanirwa kurwiswa nemunhu wese.

Dr Rwafa vakatiwo kazhinji kana vechidiki vatora zvinodhaka, mhedzisiro yacho kuita zvinhu zviri kunze kwemutemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG