Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo Votosvorana naAmai Grace Mugabe


VaDouglas Mahiya vanotaura vakamiririra sangano rema War Veterans
VaDouglas Mahiya vanotaura vakamiririra sangano rema War Veterans

Sangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association rinoti harisi kufara nekuzvidzwa kwariri kuitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Mutauriri wesangano revakarwira rusununguko, Va Douglas Mahiya, vanoti Amai Mugabe havakodzeri kutaura chinhu chimwe zvacho pamusoro peavo vakarwa hondo. VaMahiya vanotiwo Amai Mugabe havafanirwi kutaura zvinoitika muhurumende nekuti havasi muhurumende.

VaMahiya vanotiwo zvakataurwa negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, uye vari munyori anoona nezvevakarwa hondo muZanu-PF, VaSidney Sekeramai, zvekuti vari kuzodeedzera kuti kongiresi yevakarwa muhondo iitwe zvechimbi chimbi sezvo sangano riripo rizere vanhu vakadzingwa muZanu PF, hazvisi kuvatadzisa hope.

Mashoko aVa Mahiya anotevera mashoko akabuda kumusangano wakaitirwa kuBindura neMugovera.

Musangano uyu wakonzera kusagadzikana muZanu PF.

“Handizivi kuti vanhu vanoziva here kuti amai ava (Grace Mugabe) ndivo vokupedzisira kuva munhu weZanu, kupinda muZanu... Amai Grace Mugabe ndivo vakapedzisira kupinda muZanu PF...havana kumbogara mu cell; havana kumbopinda mudistrict. Havambozivi mafambiro emusangano,” VaMahiya vaudza Studio7.

Hurukuro NaVaDouglas Mahiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG