Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vochema neZEC Vachiti Haisi Kuvaona seVane Kodzero dzeKunyoresa


Vakaremara vanoda kuti ZEC igadzirise zvinetswa zvavo kuti vakwanise kunyoresa
Vakaremara vanoda kuti ZEC igadzirise zvinetswa zvavo kuti vakwanise kunyoresa

Apo chikamu chechipiri chekunyoresa kuvhota chapinda muzuva rechitatu, vakaremara vari kuchema chema kuti nzvimbo dzekunyoresa hadzina zvikwanisiro zvekuti vasvike nyore.

Vakaremara vataura ne Studio 7 vati sangano reZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, harina kuita chirongwa ichi richivafunga izvo zvichaita kuti vazhinji vavo vatadze kunyoresa kuvhota.

Sachigaro we Disability Amalgamated Community Trust, VaHenry Chivhanga, vanoti vakaremara vakasiiwa zvido zvavo mukunyoresa sezvo vanofamba ne ma wheel chair vasingakwanisi kupinda munzvimbo dzakawanda dziri kunyoreswa.

Vamwewo vati ZEC haina zvikwanisiro zvevasingaoni zvekunyoresa zvakaita se ma brail.

Mumwe wevakaremara, VaMoses Chitambo, vanotiwo ZEC yakavasiya kunze pachirongwa chekudzidziswa zvekunyoresa kuvhota nekuti haisi kuita nemitauro uye nzira dzinonzwikwa nevasingaoni pamwe nevasingatauri nekunzwa.

VaTavengwa Mazhambe, avo vanofamba nemadondoro, vatiwo ZEC iri kutyora kodzero dzevanhu vakaremara nekusaita kuti zvikwanisiro zvavo zvivepo pakunyoresa kuvhota vachiti vazhinji vavo vachatadza kunyoresa.

VaChivhanga vati vakaremara vanokwanisa kuvhota munyika vanosvika miriyoni asi zviuru zvishoma ndozvichakwanisa kunyoresa nenyaya yezvimhingamupinyi zvavari kusangana nazvo.

Vakurudzira ZEC kuti igadzirise nyaya yavo vakwanisewo kunyoresa seruzhinji rweZimbabwe.

Studio7 yatadza kubata mukuru weZEC muMasvingo, Va Zex Pudurai, avo vanga vasiri muhofisi mavo.

Vanhu vanoti vachiri kusangana nedambudziko rekushaiwa makomishina anosaina ma affidavit avo ehuchapupu hwekwavanogara kunyange makanzura nenhengo dzeparamende dzakanzi dzinyorere vanhu tsamba dzehuchapupu.

Chirongwa chepiri chinopera musi wa 13 Mbudzi gore rino, pozoitwa chikamu chechitatu munzvimbo dzakasiyana siyana.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG