Accessibility links

Breaking News

Dhora reZimbabwe Ronanga kuMawere Zvekare


Dhora remuZimbabwe riri kuramba richishaya simba zvakanyanya kubva bhanga guru renyika reReserve Bano of Zimbawe zvarakazivisa kuti rainge rounza mari itsva dzemadhora gumi nemakumi maviri svndo rapera.

Kunyangwe hazvo hurumende yakati dhora rekuAmerica rinofanira kutengeswa nemadhora makumi maviri nemashanu, ikozvino pamusika mutema riri kutengeswa nemadhora makumi manomwe nemashanu.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzakaita sevaimbova gurukota rezvemari vari mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC VaTendai Biti vanoti vakagara vayambira hurumende kuti nhunzi isingadi kurumwa nzeve inovigwa nechitunha.

Muhurukuro dzakawanda dzavakaita neStudio 7, VaBiti vakati kudzora dhora remunyika pasina kugadzirisa hupfumi kudya mhandire nemavende. Nyika haina zvisvinu zvairi kurima uye maIndustry haasi kushanda zvakanaka.

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati dhora renyika raifanira kudzoka nekuti kushandisa mari dzevamwe kukama mombe yekuronzera.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute vanoti kudhinda mari yakawanda sezvave kuitwa neRBZ kwagara kwange kuchitarisirwa kukonzera matambudziko munyaya dzezvehupfumi.

Munyori mukuru wesangano revashandi reZCTU VaJapahet Moyo vanoti vari kuda kuti nyaya yekushaya simbaa kwedhora yopa kuti vashandi vatambire mutero wembwa isimudzwe kumusangano weTripartite Negotiating Forum unounza pamwe chete hurumende, vashandi nevashandirwi

VaMoyo vati mari iri kutambirwa nemushandi wepasi pasi haichakwanise kuti ararame.

Gurukota rezvemaIndastiri Doctor Sekai Nzenza vakamboti painge pawiriranwa kuti mitengo yezvinhu isakwidzwe zvakanyanya.

Asi iko zvino vemabhizimisi vakwidza mitengo yezvinhu vachiti vari kutenga mari pamusika mutema nekudaro havangatengese zvinhu vosara vasina chokubata.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ Doctor Israel Murefu vanoti vakagara vayambira kuti kuda kumanikidza vemabhizimisi kudzikisa mutengo kunonetsa vachitiwo dai nyika yashandisa zvayo rand rekuSouth Africa.

Ukaona gudo ratota mahobi ziva kuti mubvumbi wabvira kure, aka hakasi kekutanga dhora remunyika richishaya simba zvakanyanya, musi wa14 Mbudzi 1997 dhora rakadonha mushure mekunge hurumende yapa mari yemudyandigere kune varwi verusungunuko yainge isiri mubhajeti.

Apa zvinhu zvakabva zvananga kumawere zvakapa kuti muna 2003 vaive gavhuna veRBZ VaGideon Gono vaparure matravellers checks aisvika kumari inoita zvuru zana zvemadhora kana kuti 100 000.

Muna 2006 kwakabva kwauya mari dzemabearer cheques idzo dzakatanga kubviswa zvizukuru zvemazero zvainge zvoberekana nekuda kwekushaya simba kwemari iyi.

Muna 2009 Zimbabwe yakapinda munhoroondo yepasi roe apo yakadhinda mari inosvika 100 trillion dollars. Izvi zvakazomanikidza hurumende kuti iti nyika ishandise mari yekuAmerica muna 2009.

Asi muna 2017 gazvhuna weRBZ VaJohn Mangudya vakaunza mari yemabond notes iyo yakasanganawo nedambudziko remabearer cheques rekushaya simba zvakamanikidza hurumende kuti iti dhora rekuAmerica rimbodzoka risati ramborambidzwa zvekare ndokuzodzorwa panguva yecoronavirus.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG