Accessibility links

Breaking News

Mudzimai Akambochengetedzwa paWilkins Hospital, Haana Coronavirus


Coronavirus, Zimbabwe

Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeguta reHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti mudzimai wavakambochengetedza mushure mekusvika munyika achibva kuChina, haana kuonekwa aine chirwere che Coronavirus sezvavaifungidzira.

Dr Chonzi vanoti vakaita ongororo pamudzimai uyu, uye ari kuburitswa muchipatara cheWilkins sezvo asina zvinoratidza kuti ane Coronavirus.

Asi vanoti vachapota vachimuongorora ari kumba kwake kwenguva yakatarwa nemitemo.

Mudzimai uyu anoshanda kuWuhan kuChina uko kwakaputika Coronavirus kutanga muna Zvita gore.

Akashandisa ndege yeEthiopian Airlines kubva kuChina, ndokupfuura nemuAddis Ababa, neLusaka asati asvika muHarare.

Kusvika pari zvino, Coronavirus yauraya vanhu vanodarika zviuru zviviri, zvikuru muChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG