Accessibility links

Breaking News

Dare Ropa Vana Baba Vanoita Vana Kunze kweMuchato Kodzero yeKuvatorera Magwaro eKuzvarwa


High Court inoti ikodzero dzevana kuti vawane magwaro ekuzvarwa

Dare repamusoro, reHigh Court, rakapa mutongo wekuti vana baba vanenge vaita vana kunze kwemuchato vanokwanisa kuvatorera magwaro ekuzvarwa, kana kuti mabirth certificates, kubva kuhofisi yamabharani mukuru wehurumende, kana kuti Registrar General.

Izvi zvakatevera kukwira kudare kwainge kwaita mumwe murume, VaBernard Tashu, kudare mushure mekurambidzwa kutorera mwana wavo ane makore gumi nerimwe gwaro iri.

VaTashu vaitsigirwa panyaya iyi nesangano rinorwira kodzero dzevana, reJustice for Children.

Rimwe remagweta akakakavara nyaya iyi mudare reHigh Court, vachishanda nesangano reZimbabwe NGO Forum, VaDarlington Marange, vati mutongi wedare, VaOwen Tagu, vakati hazvisi pamutemo kuti vana amai chete vapihwe mukana wakakura wekutora magwaro ekuzvarwa kwevana asi vana baba vachirambidzwa, vachiti ikodzero yemwana wese kuti awane gwaro iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG